Mbavha dzohwandira vanhu mumakuva

21 Nov, 2024 - 09:11 0 Views
Mbavha dzohwandira vanhu mumakuva Mumakuva muri kuhwandirwa vanhu nematsotsi - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kingstone Mapupu

VAGARI vemisha inosanganisira Southlea Park neHopley uye nekubatanidzira nekuAmsterdam padyo nekuMbudzi kwaBoka, muguta reHarare vanoti vava kugara vakabatira hana mumaoko nekuda kwemakororo anofamba akawanda ari kuvabira masikati machena pavanodarika nenzira dzekudimbudzira kumakuva ekuMbudzi kana kuti Glenville Cemetery.

Vamwe vanhu vanofamba netsoka kubva kuHopley vachienda kuAmsterdam kunosvika kuSouthlea Park nekudzoka zvakare vachidarika nemukati memakuva aya vanoti vari kugarirwa nematsotsi anovabvutira nharembozha, mari nezvimwe zvinhu uye kana kurohwa chaiko.

Mai Munashe Matipedza (30) vekuAmsterdam, avo vanogara paimba inongova chinhambwe chemamita makumi maviri kubva pamakuva aya, vanoti vanonzwa vanhu vakawanda vachirohwa nekubirwa mukati memakuva.

“Kuno hatitye zvipoko sezvinoita vamwe kana vachipfuura nepamakuva, tinototya makororo anovanda mumakuva achibira vanhu. Matsotsi anogarira vanhu mumakuva achivabira mari, nhare nezvimwewo. Vanhu kana vachibva kuguta nekumwe kwakasiyana, vanoburukira kumarobhotsi ekuHopley vofamba netsoka vachidarika nemumakuva umu umo vanorohwa nekubirwa. Unonzwa vanhu vachichema husiku, isu tinotya kumuka kunobatsira,” vanodaro Mai Matipedza.

Vanoti vamwe vanhu vanotizira mudzimba dzavo vozoregwa vabva kumakuva kunenge kuine rima.

“Mumakuva umu mune makwenzi ayo makororo aya anovandira vanhu imomo. Vamwe vanovandawo nematombo (tombstone) akaiswa pamakuva vazongonyuka vachibata vanhu. Zuva roga-roga rakasikwa naMwari kubva kuma7 usiku chaiko, tinonzwa vanhu vachichema vachirohwa nekubirwa nekudaro vamwe vanhu vava kunoburukira makombi kwaKendy kunova kure zvikuru nemisha yavo uko vanofamba zvakare vachitevedza mudzimba,” vanodaro Mai Matipedza.

Mbavha idzi dzinonzi dziri kubawo mudzimba dziri pedyo nemakuva aya.

“Izvozvi pano manheru pane vamwe vedu vanogara kuimba yekunze dhoo rakapwanyiwa vasipo mukabiwa zvinhu zvakasiyana. Vagari vekuno kuHopley, Amsterdam neSouthlea Park hatina rugare nemakororo, zvikuru vanogara kudzimba dzekumapeto,” vanodaro Mai Matipedza.

Tanyaradzwa Tizirepi (19) anogarawo mumusha weAmsterdam anoti vamwe vanhu havachashandisa migwagwa yemumakuva iyi kubvira nguva dzekuma6 zuva rodoka kusvika 6 mangwanani.

“Vamwe vanhu vanobatwa masikati machena chaiwo kana makororo aya angoona kuti hakuna vamwe vanhu padyo. Vanhu vava kufamba vakawanda kuitira kubirwa nekurohwa nematsotsi aya. Kuchema kwevanhu usiku mumakuva umu igaroziva mazuva ose kubvira zuva richangonyura kusvika kuedze kuma4 mangwanani vanhu vachimukira kumabasa akasiyana. Tinokumbira mapurisa kuti vatichengetedzewo kuno,” anodaro Tizirepi.

Mbuya Lydia Thomas (66) vekuAmsterdam vanoti mwanakomana wavo akamhanyiswa nemakororo aya achibva kwaKendy, kuSouthlea Park.

Vanoti akazopona nekudzura simbi yaakangoona achibva atanga kurovana nemakororo aya achishandisa simbi iyi.

“Ini ndakabva kumusha kwaNyamhondoro kuGuruve ndichizoona mwana wangu pano. Mazuva andagara pano ndinongonzwa vanhu vachiridza mhere mumakuva umu vachibirwa. Mwana wangu akapona neburi retsono apo akadzingirirwa nemakororo aya achibva azorwisana navo nesimbi yaakauya nayo pano,” vanodaro Mbuya Thomas. Vanoti nguva yezhizha kunotarisirwa kukwira kwenyaya dzekubirwa kwevanhu nekuda kwechibage chinorimwa zvakare munzvimbo iyi uyewo nekumera kwehuswa.

“Tine vamwe vanhu vanorima tuminda vakatevedza makuva zvichawanisa zvakare makororo nzvimbo dzekuvandira vanhu, masikati machena chaiwo vanhu vari kubatwa nemakororo aya,” vanodaro Mbuya Thomas. Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.

“Regai tigonzwa zvizere nekuda kwenyaya iyi kubva kumukuru wemapurisa wekamba yeko. Zvakadaro, nzvimbo dzakadai dzinofanirwa kupota dzichitenderera mapurisa nguva nenguva. Asiwo hatikurudziri vanhu kufamba nemunzvimbo dzakavandika kana netumigwagwa twemusango kuitira kuzvichengetedza,” vanodaro Insp Chakanza.

Share This:

Sponsored Links