Mbavha dzosiya dzanyora tsamba

12 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Mbavha dzosiya dzanyora tsamba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vakagariswa patsva kumapurazi ekuNyabira, mudunhu raMambo Zvimba kuMashonaland West, vanoti kune mbavha dzarura nekuba mombe dzavo idzo dzinouraya mombe, dzotora imwe nyama yose asi dzichisiya zvemukati nemusoro, vozosiya vanyora tsamba kuvaridzi vechipfuyo nekuzobairira banga rebakatwa pakati pedanga.

VaRomeo Matanda (41), avo vanova mumwe wevarimi kupurazi reWesley riri kuNyabira, vanoti vave kutogara vakarindira matanga avo husiku nekuda kwemakororo aya.

“Mbavha dzemombe kuno kuNyabira vari kuba zvinenge zvine mishonga mukati. Vari kuti pavasvika vanotanga vauraya mombe imwe chete, vosiya zvemukati nemusoro uye vonyora tsamba vachiti ‘idyai zvenyu zvemukati nemusoro hatina kuisa muchetura’.

“Pakati pedanga vanosiya vabairira bakatwa mundove. Izvi zvaitika pamisha yakawanda iri munharaunda yedu muno,” vanodaro VaMatanda.

Romeo Matanda

Munguva ichangodarika, vanoti matsotsi aya akasvika pane mumwe musha ndokuba mombe 15 ndokuuraya imwe chete, kwava kusiya zvemukati nemusoro, vachibva vabairira banga rebakatwa pakati pedanga.
Vanonziwo vakazoenda vakanoba mombe mbiri pane mumwe musha zvekare apo vakauraya imwe chete uye vakasiya vaiita zvimwe chetezvo sezvavakaita kwavaive vaba mombe 15.

VaMatanda vanoti vave kutya kana kupinda mumatanga avo munenge mabiwa mombe nemakororo aya nekuda kwemhiko dzaari kusiya aita.

“Nyaya dzekubiwa kwemombe idzi tinomhan’ara kumapurisa ekuNyabira asi hakuna kana mumwe chete ati abatwa. Hatina matirakita ekuti tirimise mwaka weZhizha wasvika uyu, madhonza ose apera kubiwa saka tinokumbira kubatsirwa,” vanodaro VaMatanda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Magarate Chitove vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya dzekubiwa kwemombe idzi.

“Regai ndigotsvaga zvizere nekuda kwenyaya iyi ndozodzoka kwamuri. Zvichakadaro, tine dzimwe nzvimbo dziri kuMashonaland West kuno uko kuri kubiwa mombe kwakasiyana nekuNyabira,” vanodaro Insp Chitove.

Share This:

Sponsored Links