Uncategorized

. . . mbavha hokoyo: zrp

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MAPURISA eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland West ari kuyambira makororo ari kupota achibira vanhu mari, nhare nemimwe midziyo vakapakata pfuti apo vanenge vachifamba nzendo nemabhazi kuti vasiyane netsika iyi sezvo vakagadzirira kuvarwisa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Clemence Mabgweazara, vari kukurudzira vanhu vanokwira mabhazi kuti vasatye vachiti mapurisa achavachengetedza. Mashoko avo anotevera nyaya yemakororo mana anonzi aive akapakata pfuti ayo akapinda mubhazi reKabor musi wa29 Ndira mumugwagwa weHarare-Chirundu ndokubira vanhu mari nemafoni.

Insp Mabgweazara vanoti bhazi iri parakasvika pamakiromita 140, mumwe wemakororo aya akakumbira mutyairi kuti amupewo mukana wekumbozvibatsira.

“Vamwewo vanhu vakabva vangoburukawo kunozvibatsira uye zvinonzi pavakadzoka, mumwe wamakororo aya akabva audza mutyairi kuti abve pachigaro chake, ndokubva aridza pfuti bara rikapfuura napahwindo. Ipapo, mutyairi akabva angotizawo,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Zvinonzi panguva iyi mamwe makororo matatu akatanga kutora mari dzevanhu nemafoni.

Mukuona kuti vamwe vaida kuita nharo, rimwe remakororo aya rinonzi rakabva rapfura Tryphin Chinomwe (30) pabendekete pamwe chete naSkhumbuzo Tsuma 31 wemuHarare pahuro.

Madzimai maviri akapfurwa aya akaendeswa kuchipatara cheChinhoyi General Hospital uko vari kurapwa.

Mbavha idzi dzinonzi dzakazobva panzvimbo iyi dzaba mafoni nemari yemabond $2 595, US$275 ne1 505 kwacha.

Insp Mabgweazara vari kukumbira veruzhinji vane ruzivo pamusoro pembavha idzi kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey