Mbavha yafa mutsaona nemota yekuba

09 Sep, 2022 - 20:09 0 Views
Mbavha yafa mutsaona nemota yekuba Tsaona

Kwayedza

Abel Zhakata
VANHU vatanhatu vakafa munjodzi yemugwagwa pedyo neMutare Teachers’ College kwaMutare nemusi weSvondo wadarika uye tsaona iyi inonzi yakakonzerwa nembavha iyo yaivhetemutsa motokari yekuba.

Mushure mekunge tsaona iyi yatekeshera padandemutande, mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi akazivisa kuti imwe yemotokari yerudzi rweHonda Fit yakaita tsaona ndeyakabiwa kuChipinge svondo radarika.

Mbavha yacho ndiyo yaityaira motokari ndokubva yafirawo panzvimbo.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo vanotsinhira nyaya iyi.
Zvakaonekwa kuti mutyairi wemotokari yakabiwa ndiTawanda Chitambo (31) wekuChikanga 1, kwaMutare.

Mapurisa akazivisawo kuti Honda Fit yaaityaira yakange yabiwa kuChipinge musi wa29 Nyamavhuvhu.

Insp Muzondo vanoti Chitambo nevamwe vake vaviri, avo vachiri kutsvagwa nemapurisa, vakabira Takudzwa Ngqobi (20) motokari iyi.

“Mutsvakurudzo yekuona kuti Honda Fit yakanyoreswa muzita raani, zvakaonekwa kuti motokari yakanga yabirwa mutyairi wetaxi anofamba nemugwagwa weMt Selinda kuenda kuChipinge.
“Mukuferefetwa kwakaitwa, zvinoratidza kuti Ngqobi akahaiwa nevarume vatatu ava vanove mbavha kuti avatakure kuenda kuMutakura Dam turn-off. Vakamunyepera kuti vaida kushanyira hama yavo yairwara. Akabvuma ndokuvabhadharisa US$10.

“Pavakasvika kwavaienda, vatatu ava vakaudza mutyairi kuti atyaire achipinda musango umo vakamutorera motokari, US$80 nenharembozha ndokusiya vakamusunga, ivo vachitiza panzvimbo iyi.

“Akazokwanisa kuzvisunungura ndokunomhan’ara kumapurisa,” vanodaro Insp Muzondo.
Chitambo anonzi akabva atanga kushandisa mota yainge yabiwa iyi kuita zvemushikashika.
Nemusi wa4 Gunyana, akatakura vanhu kwaMutare ndokuzopinda mutsaona iyi.

Insp Muzondo vanoti mapurisa ari mushishi kutsvagwa vamwe vaishanda naChitambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey