Uncategorized

Mbavha yaibika sadza mumba mayaba

15 Jan, 2022 - 09:01 0 Views
Mbavha yaibika sadza mumba mayaba

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kwaMUTARE

RAKAVE bhaisikopo remahara mumusha weChikanga, kwaMutare nemusi weMugovera wadarika apo vamwe vagari veko vakarikita mbavha yakawanikidzwa ichibika sadza mumba mevaridzi zuva rakacheka nyika.

Mbavha iyi, iyo inozivikanwa saLloyd kana kuti Lodza, yakabatikidzwa nehanzvadzi yemumhan’ari – Charles Ndadzungira – uyo ainge ashanya pamba apa, ichitozvigadzirira chikafu muimba yekubikira.

Mbavha iyi payakaedza kutiza, vamwe vavakidzani vakabva vatanga kudaidzira izvo zvakaita kuti ibatwe ndokutanga kuzvambaradza.
Muridzi wepamba apa, Rufaro Ndadzungira, anonzi akanga aenda kugomo reMurahwa kunotsvaga huni panguva iyo mbavha iyi yakasara ichipinda mumba make.

Charles anoti paakasvika pamba pehanzvadzi yake, akatofunga kuti ainge aripo sezvo musuwo wainge wakashama.

“Ndakapinda ndokutowana murume uyu ari mushishi kubika sadza uye parutivi rwake paive nebhegi rainge rakazara mbatya nemapoto.

andakabvunza zita rake, haana kupindura asi akatoedza kutiza mumba muya ndikazodaidzira kune veruzhinji kuti mbavha achibva abatwa ava kugedhi ndokubva arohwa zvakasimba nevanhu vaipfuura,” anodaro Charles.

Anoti mbavha iyi yakakuvara zvakanyanya mushure mekurohwa uku.

Zvisinei, vamwe vavakidzani vanosanganisira Beauty Kanyenze vanofungira kuti murume uyu anogona kunge ari mudiwa waRufaro.

“Hatina kuziva kuti akakwanisa kutiza sei asi kuti aingobuda ropa mushure mekurohwa. Ndinofunga kuti anogona kunge ari shamwarirume yaRufaro saka paakaona Charles akavhunduka akakundikana kutaura zvaaive.

“Vanhu vakangotanga kumurova pavakanzwa kuti imbavha saka haana kunyatsopihwa nguva yekuti ataure kuti ainge avingei pamba apa,” anodaro Kanyenze.

Zvisinei, Rufaro anoti Lodza imbavha yakabatikidzwa ichitobika mumba make.

“Ndiri kutozvishaya kuti sei munhu iyeye akasarudza kupinda mumba mangu, hamuna kana chinhu chekuba. Ndinovimba ndicho chikonzero asarudza kubika sadza uye handimuzive murume iyeyu, zvose zvakaitika ndisipo,” anodaro Rufaro.

Mashoko ake anotsinhirwa naCharles achiti Lodza imbavha nekuti akanga atorongedza mbatya nemapoto zvehanzvadzi yake mubhegi apo akazomubatikidza.

Nyaya iyi haina kumhan’arwa kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>