Uncategorized

Mbavha yakaita tsaona yadzingirirwa

20 Jan, 2022 - 20:01 0 Views
Mbavha yakaita tsaona yadzingirirwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuShurugwi kudunhu reMidlands vari kuferefeta nyaya yetsotsi raiva raba motokari yemumwe murume wemunzvimbo iyi rikazotiza mushure mekunge raita tsaona apo muridzi wemota iyi airidzingirira netsoka.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa16 Ndira kuShurugwi.

Vanoti Andrew Madzipure (23) akasiya motokari yake husiku panzvimbo paanoichengeta ndokuzonzwa yava kubiwa pakati pehusiku apo yakamutswa hinjini.

Madzipure anonzi akadzingirirana nembavha iyi achimhanya netsoka kusvikira mbavha iyi yavhunduka ichibva yanowira nemota mugomba.

“Nyaya iyi yakaitika panzvimbo inonzi Nhowe Block, kuShurugwi apo Andrew Madzipure (23) akasiya motokari yake yeHonda Fit. Nenguva dza2 mambakwedza, anonzi akanzwa kutinhira kwehinjini yemotokari yake achibva amuka ndokuona motokari iyi yava kutoendwa nayo apo akatanga kumhanyisana negororo iri richityaira motokari iye aine tsoka,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mbavha iyi yaona kuti Madzipure akanga ava kusvika, yakapotsa mugwagwa ichibva yanowiridzira motokari mugoronga ichibva yanomira ndokubva yasvetuka ikatiza.

“Mbavha iyo, iyo tiri kutsvaga nanhasi, yaona kuti motokari yawira mugomba yakabva yatiza ndokutsakatika murima. Muridzi akazotora motokari yake ndokudzosera kumba, nyaya iyi ichibva yamhan’arwa kumapurisa vakabva vatanga kuiferefeta uye vari kutsvaga tsotsi iri,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokurudzira vanoziva nezvenyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari padyo navo kuti mbavha yakange yaba motokari iyi isungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey