Uncategorized

Mbavha yakakotsira payakabira

30 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Mbavha yakakotsira payakabira

Kwayedza

Gibson Mhaka

MBAVHA yemandiriri yekunzvimbo yeNkwalini Line, kuSipepa, mudunhu reTsholotsho inonzi yakakotsira ndokutanga kushona ngonono mumba mayainge yaba mushure mekunge yadya poto mbiri dzaive nechikafu.

Aka kange kave kechipiri mbavha iyi ichiba pamusha uyu.

Taurai Sibanda (36) akawanikidzwa naNjabulo Ndlovu (63) achishona ngonono muimba yekubikira padivi pake paine poto mbiri dzakange dzisisina chikafu icho aiva adya.

Ndlovu anonzi akabva pamba pake nemusi wa13 Ndira 2021 achienda pane rimwe sango riri pedyo achinotarisa madhongi ake aifura kunzvimbo iyi.
Paakazodzoka kumba nenguva dza9 husiku, akaona kuti pane munhu ainge apinda muimba yake yekubikira ndokudya chikafu chake chemanheru sezvo poto mbiri dzaaive asiya dzine chikafu dzainge dzakokotwa.

Paakaenda kuimba yekurara, akaona kuti pane munhu aive avhura wodhiropu uye dzimwe mbatya dzake dzaive dzabiwa.
Ndlovu akazivisa vavakidzani vake nezvechiitiko ichi ndokubva varonda tsoka dzemunhu ainge amubira uyu ndokusvika pamba paSibanda.

Asi Sibanda akarambisa kuti ndiye aive aba kumba kwaNdlovu.

Nemusi wa25 Ndira 2021, Ndlovu akamuka nenguva dza4 mambakwedza ndokuenda kuimba yake yekubikira achida kunotora mudzanga wefodya.
Paakapinda mumba, akashamisika zvikuru achiona Sibanda achitoshona hake ngonono mushure mekunge adya chikafu chaaive asiya husiku hwadarika.

Ndlovu akamusiya achiridza ngonono ndokunoshevedza vavakidzani vake apo vakadzoka ndokubata Sibanda.

Sezvo kunze kwaive kusati kwaedza, vakamusunga necheni vachimirira kuti vazoenda naye kumapurisa nekufamba kwenguva.
Apo Ndlovu aive ari mushishi yekubika chikafu chemangwanani, Sibanda akatora mukana uyu ndokubva akwanisa kuzvisunungura cheni iya ndokunyangarika.

Zvisinei, gava rakazodimbura musungo apo akasungwa nemusi wa15 Kubvumbi 2021 mushure mekunge apaza ndokuba mumba maBigboy Mlalazi kunzvimbo yeSawmills, kuNyamandlovu.

Ari mumba umu, akaba mabha (bar) mana esipo yekuwatyisa, zvigubhu zvitatu zvemarita maviri emafuta ekubikisa, matrack suit maviri nematenisi.
Gure iri rakazofumuka apo akazama kutengesa zvinhu zvaaive aba izvi.

Vagari vemunzvimbo iyi, avo vaive nefungidziro zvichitevera kubiwa kwaive kwaitwa zvinhu pamba paMlalazi, vakabva vachimbidza kunomunyeurira.

Mlalazi akamhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Sibanda asungwe uye ndokuzomiswa mudare redzimhosva.
Anobvuma mhosva mbiri dzekupaza imba nekuba apo akamiswa pamberi pemutongi VaRegis Mawarire vedare reTsholotsho Magistrate Courts.
Pamhosva yekutanga, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu iyo yakazosendekwa yose padivi kwemakore mashanu paine chitsidzo chekuti haapare imwe mhosva yerudzi urwu.

Pamhosva yepiri, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 12 apo mwedzi mitatu yakasendekwa padivi kwemakore mashanu paine chitsidzo chekuti anofanirwa kuita hunhu hwakanaka.

Mimwe mwedzi mitatu zvakare yakasendekwa padivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kuripira mumhan’ari $2 100 hunove hukoshi hwemidziyo yaakaba isina kuwanikwa.

Mwedzi mitanhatu yaive yasara yakasendekwa parutivi ndokunzi anofanirwa kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 210 pakamba yemapurisa yeZRP Sipepa.

Muchuchisi munyaya iyi aiva Tarisai Mujokoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey