
Kwayedza

Danisa Masuku
MURUME aifungidzirwa kuti imbavha – uyo akangozivikanwa saThembani – akarohwa kunge nyoka yapinda mumba nemhomho yevanhu ndokuzobviswa hembe dzose akasara ari musvo mushure mekunge abatikidzwa achida kuba zvinhu mumotokari muguta reBulawayo.
Izvi zvakaitika nemusi wa4 Gunyana uye Thembani achange aine ndangariro dzakaipa dzezuva raakabatwa achizama kuba motokari yainge yakapakwa panosangana migwagwa 3rd Avenue naFort Street.
Muridzi wemotokari iyi akamuona achipwanya fafitera rekumashure achibva amhanyirako. Thembani aona kuti ainge aonekwa, akabva ati chitsoka ndibereke.
Murume uyu akadzingirira Thembani ndokudeedzera kuti abatsirwe apo vaive pedyo vakakwanisa kumubata.
Vakabva vatanga kumurova zvakasimba pamwe chete nekumutuka, ndokuzobvarura hembe yake netirauzi.
Mumwe mukadzi aivepo akabva azobvisa Thembani chipfeko chemukati achimusiya ari musvo.
Panguva iyi, vamwe vaimutora mifananidzo uye vachimuny’omba.
Mamwe emadzimai aya aiti Thembani imbavha yainge yanetsa nekuvabira zvinhu zvavo.
Mapurisa maviri aipfuura nepo ndiwo akazomununura kuti asarambe achirohwa nechaunga.
Vakaenda naye kuBulawayo Central Police Station.
Thembani anofungidzirwawo kuti ndemumwe wembavha dzinobira vanhu mumigwagwa 6th Avenue naJoshua Mqabuko Nkomo Street.