Mbavha yemakoko yasungwa

11 May, 2022 - 14:05 0 Views
Mbavha yemakoko yasungwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuZvishavane ane makore 21 okuberekwa, uyo anonzi ange aita mukurumbira wekupazira mudzimba achiba midziyo mudhorobha iri kubva munaNdira kusvika Kubvumbi gore rino, asungwa nemapurisa.

Norman Phiri wekuMandava kuZvishavane, uyo akambopika kujeri reko kwemwedzi mitanhatu achibva azoburitswa munaZvita 2020, anonzi ange ashayisa vagari vemudhorobha iri zororo nekuvabira.

Vamhan’ari munyaya iyi vanosanganisira Fungai Dube (56), Dorcus Nkomo (44), Sibonile Wankandwa (36), Vimbai Takavingofa (36), Moreblessing Mafirenyika (24), Cute Kadahwayi (26) naSimango Renias (31).

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti vanomwe vakabirwa ava vanhukadzi vanogara muZvishavane uyewo zvinhu zvose zvakabiwa zvinokosha US$6 177.

“Norman Phiri anonzi aitengesa zvinhu zvaaiba izvi munzvimbo dzinosanganisira Zvishavane, Chipinge neChimanimani kune vanhu vaisafungira kuti zvainge zvabiwa uko zvimwe zvezvinhu izvi zvakanowanikwa nematikitivha eCriminal Investigation Department (CID),” vanodaro Insp Mahoko.

Midziyo yakabiwa inosanganisira nharembozha, materevhizheni, laptops nemagas cylinder.

“Norman Phiri akachengetedzwa nemapurisa achimirira kuenda kumatare edzimhosva nenyaya dzaari kupomerwa dzekupaza nekuba. Tinokurudzira veruzhinji kuti vaongorore mafambiro evanhu vanenge vabva kumajeri nekuda kwemhosva dzakasiyana sezvo paine mukana wekuti vanogona kuramba vachipara dzimwe mhosva. Zivisai mapurisa kana paine fungidziro yakadaro,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti vangwarire kana vachitenga zvinhu kubva kuvanhu sezvo vachigona kutengeserwa zvakabiwa izvo zvinovapinza mutsekwende yekusungwa sezvo vanenge vadziya moto wembavha.

“Iyambiro yedu kuruzhinji kuti vasatenge zvinhu zvinofamba nevanhu mumigwagwa zvisina matsamba sezvo vachigona kutengeserwa zvakabiwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links