Mbavha yemuzvitoro yopika jeri

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Mbavha yemuzvitoro yopika jeri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUKOMANA wechidiki wekuChitungwiza — wekupaza chitoro chemuridzi achiba magirosari achitengesa — akazoigochera pautsi apo akabatikidzwa ndokusungwa.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Blessing Murwisi, akapa Takudzwa Kasikwenyu (18) wepanhamba 2520 St Mary’s chirango chekugara mujeri kwemakore mana pamhosva mbiri dzekuba.

Mutongi akazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari $512 musi wa20 Zvita wegore rino usati wadarika. I

zvi zvakaona, achapika makore matatu azere.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa28 Gumiguru gore rino munguva dzemanheru, mumhan’ari Rodwell Saradinya (24) wepanhamba 29957 Unit P, Chitungwiza akavhara musuwo nemahwindo echitoro chake semazuva ose.

Kasikwenyu akabva aenda kunopaza chitoro ichi akaba girosari .

Zvinhu zvaakaba izvi zvaikosha $146 uye zvakawanikwa zvose apo akazobatikidzwa nemurindi wepachitoro ichi apo aiva mushishi ykuba achibva asungwa.

Kasikwenyu anobvuma mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>