Mbeu yeOrange Maize yakaburwa

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Mbeu yeOrange Maize yakaburwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI yakazvimirira inouchika mbeu dzakasiyana yokurudzira varimi kurima chibage chemhando yeOrange Maize icho chinonzi chinotirira muzuva, hachinetsi kuibva uyewo chakanakira zvose pakudyiwa nevanhu nekupa zvipfuyo.

Murimisi mukambani yeChampion Farmer Seeds, VaWally Zonge, vanoti nechinangwa chekuramba vachikurudzira varimi kurima mbesa diki vane mhando yembeu itsva yeOrange Maize ye25246.

“Tine mhando yembeu iyi yatinoti 25246 inova tsvuku kana varimi makaitarisa. Isu pamutauro wedu tinoiti Orange maize, kune varimi vedu vatinoshanda navo vanoifananidza neimwe kare yavaiti ‘kanga mirisi’. Mbeu iyi kana yaibva ine ruwomba rwakanyanya zvikuru nekudya kunobatsira vanhu zvose nezvipfuyo zvakasiyana,” vanodaro VaZonge.

Vanoti mhando yembeu yechibage iyi inoita hupfu hwakanaka zvikuru pakubika ringava sadza kana bota.

“Chibage ichi chinogona kurimwa muchirimo kana muzhizha uye chinotora mazuva 125 – 135 kuti chisvike. Chine yatinoti muchirungu Vitamin A yakawandisa saka vana havambofa vakaita kwashu vakadya bota rechibage ichi. Imbeu inotirira muzuva uye murimi kana akarima zvakanaka anokwanisa kukohwa matani anodarika gumi pahekita,” vanodaro VaZonge.

Vanoenderera mberi vachiti, “Munyika muno hatina patinoti inofanirwa kurimwa asi mumatunhu ose zvawo. Imbeu inofarirwa zvikuru mukugadzira maputi nemakambani makuru anotengesa kudya uyewo pakugocha chibage chacho chakanaka zvikuru. Vaye vanopfuya dzingava huku, nguruve,  matoki, madhakisi, mbudzi, mombe, hangaiwa, madhongi, mabhiza nezvimwe zvakasiyana hamuna nguva yekutambisa mari yenyu kunotsvaga makireshi kungotora chibage ichi mogaisa zvenyu makireshi muchipa zvipfuyo zvenyu.”

Kambani yavo, vanodaro VaZonge, inokurudzira varimi zvakare kuti varime dzimwe mbesa dzinoshingirira muzuva dzakaita semhunga, mapfunde nenyemba. “Tiri kumhanya nekurudziro yekurima zvirimwa zvidiki munyika sezvo zviine punduko huru kuvarimi vadiki zvose nevakuru,” vanodaro.

Vanoti zvirimwa zvakadai sebhinzi zvakanaka kuvarimi sezvo zvichivapa mari nekuchimbidza uye kudya kunovaka muviri.

Share This:

Sponsored Links