Mbinga, mhenya dzaive pamuchato waMai TT dzinotii?

19 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Mbinga, mhenya dzaive pamuchato waMai TT dzinotii? Mai TT naTinashe Maphosa

Kwayedza

Tanaka Mahanya

IVAVA – ehe ivava – ndivo vaive vayenzi vanoremekedzwa vaiva pamuchato weUS$100 000 waMai TT.
Kana pakugara, ndivo vakaremekedzwa zvekutenderwa kugara kuVVIP.

Zvino, muchato uchiparara nenzira inoshamisa kudai, vanhu vose ivava vari kuti kudini pari zvino?
Vakanyengedzwa here kuburikidza newainzi muchato iwo usiri?

Hapana aive akatarisira kuparara kwemuchato waMai TT naTinashe Maphosa mukati mumwedzi mina chete.
Ndiani aifunga kuti muchato wacho waizoparara, kufanana nemasvingo eJeriko, pachitariswa mhando yepamusoro-soro yevanhu vakakokwa?

Vanhu 400 chete ndivo vakakokwa, veruzhinji nevamwe vatsigiri vaiona zvaiitika pamuchato uyu padandemudande.
Muchato uyu wakave chiitiko chikuru sezvo wakakokwa vanhu vane mukurumbira kubva kunyika dzinosanganisira United Kingdom neSouth Africa.

Zodwa Mkandla

Kelly Khumalo, uyo anove muimbi ane mukurumbira wekuSouth Africa, uyo asinawo kuita rombo rakanaka munyaya dzake dzerudo, aveipowo pamuchato uyu.

Dzimwe shamwarirume nhatu dzaKhumalo dzaakambofambidzana nadzo dzaive dzakaroora.
Aimbova mukomana wake, mutambi wenhabvu Senzo Meyiwa, akapfurwa nepfuti ndokufa, achangomushanyira.
Meyiwa akanga akaroora.

Zvichida, achange achifunga kuti, kungofanana nenyaya dzake dzerudo, izvi zvaireva kuti zvaizongokundikana.
Pakati pevaimbi vemuno, vakaimba pamuchato waMai TT ndiFreeman, Sandra Ndebele, Stunner, Killer T naEnzo Ishall.

Pamwe, vamwe vavo vari mushishi kubatanidza rwiyo zvichitevera kuputsika kwemuchato uyu nenzira inoita sebhaisikopo chairo. Baba Harare, Jonah Chivasa, Lorraine Guyo, Mudiwa Hood, Bee Wezhira, Anna Honde naFaith Candy vamwe vevaive pamuchato uyu.

Lorraine Guyo

Guyo, uyo wekuita mbiri nekuti ‘Ndinyengeiwo’, anenge achitarisira kuti paachazopindawo muwanano yake, ichatora nguva refu kwete kuzoita sedhirama.

Muimbi weZim dancehall, Buffalo Souljah aivepowo pamuchato uyu, mushure mekunge abva kuSouth Africa.
Muzvinabhizimisi Zodwa Mkandla akabhadharirawo vaviri ava rwendo rwekuenda kuchitsuwa cheMaldives chiri kuIndian Ocean kuti vanosasana.

Hapana aimbozvifungira kumashure uku, asi muchato wainge watotanga kutarisana nemhepo huru yaivhuvhuta.
Kungofanana nechikepe chakabatwa nemhepo ine dutu guru chiri mugungwa reIndian Ocean.

Share This:

Sponsored Links