‘Mbira dzinondisvededza pedyo nevadzimu’

26 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
‘Mbira dzinondisvededza pedyo nevadzimu’ Mbira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MBIRA, mbira mbira!

Vamwe vakanzwa zita iri vanobva vafunga chinyakare kana chivanhu chakadzama. Vanofunga vakuru vakaenda kare – madzitateguru. Pachivanhu, mbira musambo unobatanidza vakaenda kare ivava nevapenyu.

Mbira dzinoshandiswa kuburitsa midzimu, ndiwo musambo unotokonya varere kumadzimbahwe kuti vauye kumhuri – vanofara vofara zvavo vachidzana ipo pasi pachitinhira. Kana ari makare-kare, vakuru vaibva varova shangara pakutamba, hosho, makwa kana manja achirira.

Kana pari pabira, midzimu yochibuda zvayo, vaya vanotsvagwa (midzimu isati yabuda) yopedzera shungu mukutamba. Mutambo unenge watopfumbira! Vamwewo vezvitendero vakanzwa izwi rekuti mbira vanobva vati ndezvemweya yakaipa.

MaAfrika

Asi mazuva ano mbira dzava kunzungu nekunyimo – kana mumachechi dzava kuridzwa. Kwete izvozvo bedzi, mazuva ano mbira dzadzoka zvekuti unogona kunzwa vechidiki vachidziridza pajekerere pasina kudzifananidza nezvakashaya.

Tinoda kumbonzwa kuti vamwe vanhu vanonzwa sei kana vakanzwa kurira kwedeze kana kuti mbira. Muimbi wemusambo wepasichigare uyu uye achitungamirira chikwata cheMawungira eNharira – Wilfred Tichaona MaAfrika Nyamasvisva – anoti anonzwa kuswededzwa pedyo nedenga pamwe nevadzimu vake kana achiridza mbira.

Muimbi uyu, uyo ane makore 54 ekuberekwa uye kumusha achibva kwaSabhuku Gomwe kwaMambo Zvimba, anoyambira veruzhinji kuti vasarase chivanhu chavo.

“Mbira chivanhu chedu kubva pasichigare, hapana chakamboipa padziri. Ngatisiyanei nekutevedzera tsika dzevamwe vanhu nekuti ivo pachavo havambofa vakasiya chivanhu chavo.

“Zvakafanana nekunzi siya mumvuri wako kana kuti nzvenga mumvuri wako, haumbofa wakazvigona uye pekupedzisira unozvitsvagira matambudziko ausingagone kupedza,” anodaro Nyamasvisva.

Nyamasvisva aimboridza nechikwata cheMbira DzeNharira pamwe chete naTendai Gahamadze vari kumakomo eNharira uko kwaigara mushakabvu Sekuru Mushore asi ndokuzosiyana mugore ra2005.

Anoti akatanga kuridza mbira achiri chindumurwa aine makore 11 okuberekwa achidzidziswa nasekuru vake, Tapfumaneyi Shayanewako, avo vakazoshaya.

Nyamasvisva, uyo anogara kuZengeza 1 kuChitungwiza, anoti nekufamba kwenguva uye apedza chikoro, akazotangawo kugadzira mbira.

Mudare raNyamasvisva

“Ndinogadzira mbira nekudziridza izvo zvandisvitsa kunyika dzemhiri kwemakungwa uko ndaisambofunga kuti ndingakuende. Ndakaenda kunyika dzinosanganisira Germany, America, China, Japan, Sweden uye muno muAfrica handichataura.

“Kunyika dzevachena uku, musambo wembira vanouda kudarika magitare ekwavo.”

Gwenyambira uyu anoti akaroora mudzimai wake, Grace Mafuta (36), nemari yekuridza mbira iyo iri kuvararamisa vose nemhuri yake.

“Mari chaiyo yeroora yakabva mumbira, ndinoridza muno nekunze kunyika dzemhiri ndichinodzidzisa vachena kudziridza muma’workshops’. Ndine zvakawanda zvakabva mukuridza mbira kubvira pamusha wangu muno (kuZengeza) nekumusha kwaZvimba,” anodaro Nyamasvisva.

Mudare

Anoti zita rekuti Nharira ravakapa chikwata chavo vakaritora kumakomo eNharira uko anoti vakadzidziswa kukosha kwechivanhu.

“Sekuru Mushore vakandiita kuti ndizive kukosha kwemunhu mutema nekutevedza tsika dzose dzemadzitateguru. Mudzimai wangu anoridzawo hosho muchikwata changu chine nhengo nomwe.

“Tine madeze mana, koitawo vekuridza ngoma nehosho. Takazotanga kutsikisa mugore ra2006 uye kusvika pari zvino ndava nemadambarefu manomwe.”

Madamberefu ake anoti Mawungira, Chinamanenji, Ndodyiwa Nemakava, Hurongwa, DVD Remix, Mbira Jazz Volume 1 neMbira Solo.

“Kunze kwemadambarefu manomwe aya, ndine rimwe idzva rinonzi Bvunza Mutupo rine nziyo nonwe zvakare dzinosanganisira Bvunza Mutupo, Ngozi Yemukuwasha, Nyamutamba Nemombe, Shungu, Chimhandara Chake nekemarimba chete. Nziyo idzi ndiri kutsikisa neMono Mukundu Studios,” anodaro.

Nyamasvisva, uyo anoyera nzou ari Nhari yeUnendoro vazungu veDande, anoenderera mberi achiti: “Mbira dzatinoridza dzimwe tinoshandisa magetsi asi kumabira hatiise magetsi nekuda kwechivanhu. Mhuri yangu inonditsigira zvikuru panyaya yekuridza mbira nechivanhu zvekuti vana vangu vatatu vanoratidza kufarira musambo uyu kunyangwe zvavo vachiri vadiki.”

Zvisinei, Nyamasvisva anoramba mashoko ari kutenderera padandemutande anoti ave kuita zvekurapa vanhu pachivanhu kunyangwe zvazvo Kwayedza yakapinda muimba yake ine midziyo inoita seyematare umo anoti ndemekuchengetera mbira nengoma nemimwe midziyo yake yekuimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey