Mbiri usina pekugara haibatsiri

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Mbiri usina pekugara haibatsiri Tinashe “Chairman” Mwadziwana

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva, Tinashe “Chairman” Mwadziwana anoti mbiri haibatsire kana munhu usina pekugara kana chaunoti ndechako asi uchizivikanwa uri nyanzvi.

Izvi zvinotevera kuchema-chema kuri kuitwa nevatambi vemitambo yakasiyana munyika muno vachiti hupenyu hwavaomera parizvino sezvo mitambo yakambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mwadziwana anokurudzira vamwe vatambi vetsiva uye nevemitambo yakasiyana kuti ngavasangonakidzwe nekudya mari asi kuti varonge ramangwana nekusiira vana vavo nhaka.

“Nguva ino yatave kurarama yandipa chidzidzo chikuru kuti tinofanira kuzvirongera ramangwana redu, icho ndicho chokwadi chikuru. Hazvibatsire kudhakwa mazuva ese kana kufadza vanhu uchitenga hwahwa asi usina pekugara, mangwana uchachema uri wega nhamo yave kukusunga mbira dzakondo,” anodaro.

Mwadziwana mumwe weshasha dzetsiva dzakasimudza mureza wenyika mumutambo uyu izvo zvakamuona achipihwa kombi nemari yakawanda neimwe kambani nguva yadarika.

Anoti kombi iyi ndiyo yange ichimuraramisa ichimuunzira mari uye mari yaakahwina akakwanisa kutenga sitendi ndokuvaka pekugara kuMbare.

Anoti dai pasina kuti Covid-19 yakazokanganisa hurongwa hwake, ange achironga kutanga mabhizimisi akasiyana.

“Zvinhu zvange zvakuita zvichitanga kusimuka asi neCovid-19 zvose takambozvimisa padivi, ndaida kuvhura chitoro chekutengesa zvakasiyana uye nehardware. Asi chikuru ndakavakirawo mhuri yangu pekugara, ndicho chikuru.

“Vatambi vazhinji tinorarama nekuwana mari inobva mumitambo saka mari iyi tinofanira kuishandisa nemazvo,” anodaro.

Muchinda uyu aifanira kunge akasangana naPaulus ‘The Rock’ Ambunda wekuNamibia vachirwira bhande reWorld Boxing Association Super Bantanweight World Title asi mutambo wavo wakambomiswa nekuda kweCovid-19.

Anoti kunyangwe mitambo isiri kuitwa, ari kugara achiita gadziriro dzake ari kumba akamirira kunzwa musi unongonzi mitambo yadzoka.

“Gadziro ndiri kudziita ndiri kumba kwangu zvangu, ndakangomirira kunzwa pachangonzi mitambo yave kuchiitwa, ipapo tobata basa,” anodaro Mwadziwana.

Share This:

Sponsored Links