Mbonje dzerudo rweginya

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Mbonje dzerudo rweginya Plaxedes Munosunama chiratidza ruwoko rwakaremadzwa nechikomba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAMWE vanhukadzi vanorarama neutachiona hweHIV uye vachiita mabasa ekutengesa miviri — chipfambi — kuVenice Mine, kuMhondoro-Ngezi, vari kuchema-chema nekushungurudzwa kwavanoitwa nevarume makorokoza avo vavanoti vanovacheka nemapanga kana mabhemba, kuvabira mari nekuita bonde navo zveginya uye vachiramba kushandisira dziviriro yemakondomu.

Nemusi weChipiri wadarika, Kwayedza yakakurukura nevamwe vevakadzi vakuru nevanasikana vanova nhengo dzesangano reCommunity Art Retroviral Group (CARG) avo vanotaura nhunha dzavanosangana nadzo mubasa rechipfambi.

Vamwe vakaratidza vatori venhau mavanga avanokuvadzwa nemakorokoza pavanenge vari pabasa ravo rechipfambi.

Chipfambi rinotova basa, uye zvinonzi ndiwo mushando wava nenguva yakareba kudarika mamwe mabasa pasi rose.

“Tiri panguva yakaoma nekuti tiri kutemwa nemabhemba nemakasitoma edu vachibva vatibira mari. Vanenge vakaviga mapanga mumatirauzi avanopfeka ari hobho hobho zvekuti pavanokukecha, hauzvione.

“Kana ndiri seni, ndakatosiiwa ndava chirema apo ndakatemwa nebhemba ruwoko rwangu rwerudyi ndikatorerwa $30 yandainge ndapihwa nezvimwe zvikomba.

“Ndatova chirema nokuti ruwoko urwu harwuchashandi sezvarwaiita kare,” anodaro Plaxedes Munosunama (28).

Anoti akapinda mubasa rechipfambi makore matatu adarika senzira yekutsvaga mari yekuriritira vana vake.

Beauty Zulu (33) anoti ane vana vaviri vari kusekondari avo vari kudzidza nemari yaanowana kubva mukuita chipfambi.

Beauty Zulu

“Chinorwadza ndechekuti tinotorerwa bhizimisi nepwere dzakapinda muno idzo dzinochaja $3 pachikamu chimwe chete nekuti hadzina mhuri uye ndidzo dziri kumhanyirwa. Takadhingurirwa mitengo zvakaipa nekuti taimbowana $5 pachikamu uye $15 husiku hwose saka zvava kurwadza.

“Seni ndakatemwa nebhemba nechikomba kumagoronga kwatinonosasanira uko ndikasonwa masitichi 8 mumusoro ndokubva andibira $20,” anodaro.

Zulu anoti akamhan’ara nyaya iyi kumapurisa asi nyakumubira nekumukuvadza haasati abatwa.

“Chinonetsa ndechekuti kana tichinge tawana makasitoma, hatina hanya nekucherechedza zviso zvavo nekuti tinenge tichida mari bedzi uye zvimwe zvacho zvinenge zviri zvechopu chopu kana kuti zvemurima. Vamwe vanoramba kushandisa makondomu chero ukavaudza kuti uri pamushonga weHIV,” anodaro.

Henrietta Maposa (26) anotiwo akasiya mwana wake ane makore 6 okuberekwa kuGokwe achinoita mabasa echipfambi munzvimbo iyi.

“Ndiri pamushonga wemaARV uye tinopota tichinotorerwa mishonga yedu kuDonain Clinic tiri muzvikwata nenhau yekushaya mari yekufambisa. Saka izvi zvinotirerukira kuburikidza neboka reCARG,” anodaro.

Anoti ane shuviro yekusiya zvechipfambi kana achinge awana mari yekutanga bhindauko rekutengesa.

“Pari zvino hazviite kuti ndisiye basa iri nekuti ndine mwana ari kumusha uyo anoda kuchengetwa uye ndiri kubhadhara rendi ye$30 pamwedzi. Asi ndikawana mari yekuhodha zvinhu, ndinosiya zvangu nekuti hazvisi nyore zvatiri kuita izvi,” anodaro.

Kuchiti Beauty Gandiwa (34) anoti akatemwa mawoko ose nemabhemba nezvikomba zvake.

“Kutaura chokwadi basa rechipfambi rinorwadza, makorokoza emuno auya kuipa. Unofunga kuti wawana kasitoma izvo imhondi nembavha. Ini ndakatemwa mawoko ose ndikabirwa mari nemunhu wandakapa bonde kumakomba uko, akandibira $120 yandaive ndawana kubva kune zvimwe zvikomba.

“Mari kuno iriko pane kuHarare, asi tichangofa nekutemwa nemabhemba uye handisi kuzosiya basa irori,” anodaro.

Violet Isaac anotiwo akapfurwa nerekeni pedyo neziso nemukorokoza apo akange aenda kubhawa kunotsvaga makasitoma.

“Ndine mwana ane gore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa uye ndiri kurarama neutachiona hweHIV. Mwana ndakamubara ndisati ndava neutachiona uhu.

“Zvikomba zvemuno zviri kutishungurudza zvekuti tikakuudzai hondo dzatinosangana nadzo, munochema imi. Ndakarohwa ndikapfurwa nerekeni apa vamwe vanobvarura makondomu, saka zvinokonzera kuti utachiona huwedzere matiri (reinfection),” anodaro.

Rosemary Juma (19) anoti akamitiswa ari Fomu 2 apo aiva nemakore 16 ekuberekwa uye mwana wake uyo ane makore maviri ari kuchengetwa nevabereki vake panguva iyo iye anenge ari kubasa rechipfambi.

Zvichakadai, Theresa Phiri – uyo anotungamirira chikwata ichi sa”focal person” – anoti chakavambwa mugore ra2016 uye chine nhengo 160 vanove vanhu vanorarama neutachiona hweHIV.

“Vanhu vanenge vava nemwedzi mitanhatu vachitora mishonga yavo yemaARV ndivo vakakodzera kupinda muchirongwa cheCARG apo tinoita zvijana zvekunotorerana mapiritsi seboka kukiriki pamwe nekupanana zvidzidzo. Vanenge vachangotanga mishonga uye vakazvitakura havakodzeri kupinda nekuti vanenge vachiri kuda kugara vachiona machiremba mwedzi nemwedzi kuti pamuviri apa paonekwe kuti mishonga iri kuvabvuma here, “ anodaro.

Anoti dambudziko rekushomeka kwevanhurume muzvirongwa zvakadai ndiro guru.

“Varume vanonyara kubuda pachena saka vamwe vanoenda kuzvipatara nerweseri vachinotora mapiritsi zvekuti madzimai avo anosara kugara vasingatozivi kuti vakapihwa utachiona. Tiri kuedza chose kuti tishande nevarume muzvirongwa zvekurwisa HIV,” anodaro Phiri.

Lesiwe Makumbe (23) weboka reCommunity Adolescent and Youth Treatment

Support munzvimbo iyi anoti anotsigira vechidiki kuti vatore mishonga yavo yemaARV, kuvhenekwa utachiona hweHIV pamwe nekuvafundisa nezveutano hwesikarudzi.

“Ini ndava nemakore 17 ndichitora mishonga yemaARV uye ndakabarwa ndiine utachiona uhu. Vabereki vangu vose vakashaya ndichiri mudiki saka ndakarerwa naambuya amai vamai asi ndinotenda nerudo rwavo. Ndiri kubatsirana nevechidiki vemuno kuti vatore mishonga yavo zvakakwana,” anodaro.  Makumbe anoti vanaambuya vake vaingomupa mishonga yemaARV vasingamutsanangurire kuti ndeyei kusvika atozozviziva akura.

Mai Chipo Chinyama (45), avo vanotungamirira chirongwa cheCARG chinodaidzwa kunzi Rudo kuwadhi 15 kuMhondoro kwakare vanoti murume wavo aienda nerweseri kunotora mishonga yemaARV izvo zvakaita kuti ivo vanonoke kupinda muchirongwa.

“Murume wangu aingoti anonzwa chipfuva nemusana achiuya pano paDonain Clinic kuzorapwa HIV. Ini ndakazozviziva ndaona kuwanda kwemapiritsi aaiuya nawo maCotrimoxazole ndikaziva kuti munhu ari pachirongwa.

“Ndakarwara, ndipo pandakavhenekwa ndikaonekwa ndiine utachiona hweHIV uye ndatogwinya nekuti ndiri kutora mishonga yangu nenguva pamwe nekudya chikafu chinovaka muviri, “ vanodaro.

Vakafanobata chigaro chaSister-In-Charge paDonain Clinic, Sister Vimbai Kasiyano, vanotsinhira kuti vanhu vari muchikwata cheCARG vanoenda vachinotorerana mishonga yavo zvinoita kuti vasazodarika kuinwa nepamusaka pekushaya mari dzekufambisa.

“Munhu mumwe chete anouya nemakadhi evamwe tomupa mapiritsi achizonovapa, asi pane bhuku ravanosaina kuratidza kuti vapihwa iro rinozodzoka kuno kukiniki,” vanodaro.

Vanoti dambudziko rekushomeka kwemishonga yechirwere cherurindi ndiro guru pakiriniki yavo.

Chirongwa ichi chiri kutsigirwa neNational AIDS Council (NAC) neGlobal Fund

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey