Mbudzi dzopera kufa

10 May, 2023 - 17:05 0 Views
Mbudzi dzopera kufa Mbudzi dzakafa nezvirwere

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekwaNyamweda, kuMhondoro, kuMashonaland West, vari kuchema-chema nekuda kwekufa kuri kuita mbudzi dzavo nechirwere chisati chava kuzivikanwa.

Pane kutyirwa kuti zvipfuyo izvi zvinogona kupera kufa kana pakanonoka kutorwa matanho ekumisa dambudziko iri.

Mbudzi dziri kufa mumisha inoti Musekiwa, Kurwakumire nemimwe yakakomberedza kusanganisawo kuvarimi vakagariswa patsva kupurazi reNyagori Estate.

Sabhuku Kurwakumire, VaDavid Kurwakumire Nyamweda (53), vanoti varasikirwa nembudzi dzavo nhatu musvondo rimwe chete.

“Tatarisana nedambudziko rekufirwa nembudzi kuno kuMhondoro inova nyaya yatakasvitsa kune vebazi reVeterinary Services Department (VSD),  dzangu mbudzi dzakafa mushure mekurwara kwenguva pfupi. Mumusha mangu ndine vamwe varimi vakafirwawo nedzavo mbudzi,” vanodaro VaKurwakumire.

VaMarco Muzungu (50) murimi akagariswa patsva papurazi reNyagori Estate, vanotiwo vakafirwa nembudzi dzavo mbiri zvakare mushure mekurwara kwenguva pfupi.

“Dzangu mbudzi mbiri dzakafa dzangorwara kwemazuva mashoma nechirwere chatisina kuziva, hatizive kuti imhando yehuswa hwadzinofura here kana kuti chirwere chatopinda mudunhu redu. Nyaya iyi takaisvitsa kuVeterinary Services avo vakavimbisa kutarisa chichemo chedu,” vanodaro VaMuzungu.

VaManyowa Tsuro Murehwa (45) vemunzvimbo imwe chete iyi vane mbudzi dzavo dzinorwara, uye vakati vava kutyira kuti vanogona kurasikirwa kana dambudziko iri rikarega kugadziriswa nekukasika.

Mai Cathrine Nhamo Makausi (49) vemubhuku raMusekiwa vanotiwo vafirwa nembudzi dzavo nomwe mukati memwedzi.

“Taita dambudziko rekufirwa nembudzi dzinongorwara kwenguva diki dzofa dzichiita zvekubuda ropa mumhuno nemukanwa. Dzimwe dzinoita zvekusvodza, tarasikirwa nembudzi dzakawanda munguva pfupi yadarika,” vanodaro Mai Makausi.

Dr Josphat Nyika

Mukuru webazi reVeterinary Services Department (VSD), Chief Director Dr Josphat Nyika, vanoyambira varimi ava kuti vashevedze nyanzvi dzekubazi ravo kuti vaongorore mbudzi dzinenge dzarwara kana kufa, dzimwe dzobaiwa majekiseni nekupihwa mishonga yakakodzera.

“Mbudzi dzinobatwa nezvirwere zvakasiyana zvinosanganisa zvemuChirimo, zvemuZhizha, nemuchando saka zvinoda kuti titange taongorora kuti chii. Zvirwere zvinonyanya kubata mbudzi zvinosanganisa pneumonia, chimwe chatinoti bloat, manyoka, footrot (kuwora zvitsiko), nezvimwewo.

“Saka tinokurudzira varimi kuzivisa nyanzvi dzedu dzeVeterinary Services Department nenguva,” vanodaro Dr Nyika.

Share This:

Sponsored Links