Mbuya (88) vakaponda sekuru (99)

25 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Mbuya (88) vakaponda sekuru (99) Mbuya Enesia Chivhinge

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekwaMutoko ine makore 88 okuberekwa yakasungwa nemapurisa eko ichipomerwa mhosva yekuponda murume wayo mushure mekunge vanetsana pamusoro penyaya yekutakura bhinzi kubva kumunda vachidziendesa kumba.

Nyaya iyi yakaitika mubhuku raTamuka, kuHoyuyu apo Sekuru Saidi Daiton (99) vanonzi vakapondwa nemudzimai wavo Mbuya Enesia Chivhinge (88). 

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti nyaya yekupondana iyi yakazosvitswa kumapurisa nemuzukuru wevaviri ava anonzi Tafadzwa Chivhinge (32). 

“Tafadzwa Chivhinge muzukuru wevaviri ava ndiye aitovachengeta nekuvawanisa zvose zvavanoda ivo vachigara vose semurume nemukadzi. Vaviri ava vanonzi vakatanga kunetsana apo Mbuya Enesia Chivhinge vakatora zvimedu zvezvidhinha ndokutanga kutaka murume wavo nazvo uyo akazofa mushure memazuva mashoma,” vanodaro Insp Mwanza. 

Zvinonzi nemusi wa18 Kurume kuma5 zuva rodoka, vaviri ava vaiva kumba kwavo apo vakatanga kukakavadzana nekuda kwekuti Sekuru Daiton vairamba kubatsira mudzimai wavo kutakura bhinzi kubva kumunda vachiriendesa kumba.

“Pakukakavadzana uku, Mbuya Enesia Chivhinge vakazotora zvidhinha ndokutanga kutema nazvo Sekuru Saidi Daiton kakawanda kuruoko rweruboshwe nekumakumbo ose. 

“Mbuya Enesia Chivhinge vakazosiya Sekuru Saidi Daiton vakarara pasi ivo ndokudzokera kumunda,” vanodaro Insp Mwanza.

Mbuya Chivhinge vanonzi vakazodzokera kumba ndokusvikobatsira Sekuru Daiton kuvapinza muimba yekubikira sezvo vakanga vasisakwanise kufamba. 

“Sekuru Daiton Saidi havana kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa. 

Inspector Tendai Mwanza

“Nenguva dza7 husiku, Tafadzwa Chivhinge akazosvika pamba apa ndokuwana Sekuru Saidi Daiton vakarara apo vakamutaurira kuti vainge varohwa nezvidhinha nemudzimai wavo kakawanda. 

“Muzukuru uyu anonzi akatarisa ndokuona maronda mumaoko nekumakumbo asekuru vake,” vanodaro Insp Mwanza. 

Vanoti Chivhinge akazotaurira Sekuru Daiton kuti aifanirwa kuvaendesa kukiriniki nekuchipatara kuti vanorapwa, izvo vakaramba vachiti vaiva vasingarwadziwe. 

“Nemusi wa20 Kurume nenguva dza5 zuva rodoka, Tafadzwa Chivhinge akazoona kuti hurwere hwemurume uyu hwaiva hwawedzera apo akatsvaga motokari ndokuvatakura kuenda kukiriniki yekwaNzira asi sekuru ava vakashaika
vari mumugwagwa,” vanodaro Insp Mwanza. 

Chivhinge akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMutoko nemusi wa21 Kurume.

Mutumbi wemuchakabvu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheMurehwa. 

“Tichitaura kudai, Mbuya Enesia Chivhinge vakasungwa nemapurisa uye vakachengetedzwa vachimirira kuenda kumatare edzimhosva. 

“Inyaya inosuwisa zvikuru kuti vanhu vakuru vakadaro vanonzi vanosvika pakurwisana zvekuurayana. 

“Tinokurudzira kuti vanhu vagarisane zvakanaka pasina kurwisana,” vanodaro Insp Mwanza. 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey