Mhando dzegomarara remuropa

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

SVONDO radarika, takakupai ruzivo maringe negomarara remhando yeNon Hodgkins Lympoma rinova rimwe remakomarara emuropa.

Vanhu vakawanda vakakumbira ruzivo pamusoro pemakomarara emuropa aya.

Takakwanisa kukuwanirai ruzivo urwu. Ndirwo rwatakupakurirai vhiki rino kuti imi nevadikani venyu mubatsirike.

Gomarara remuropa rinokanganisa kugadzirwa kwemasero (Cells) eropa mumuviri uye mhando zhinji dzemakomarara erudzi urwu dzinotangira mumwongo wemabhonzo.

Mhando dzemakomarara emuropa:

  •  Non-Hodgkin lymphoma: Gomarara rinoitika munzvimbo dzinogadzira masero emuropa anonzi mawhite blood cells anova anobatsira mukurwiswa kwezvirwere. Anowanzowanikwa munonzi muLymphatic System.
  • Hodgkin lymphoma: Gomarara rinoumbika munzvimbo dzinofanira kunge dzichirwisa zvirwere.
  • Multiple myeloma: Gomarara rinoitika muropa munova munogadzirwa mwongo.

Zviratidzo zvegomarara remuropa zvinosanganisira:

  • Kukosora nekupindwa nechando
  • Kuneta zvisina tsarukano
  • Kunzwa dzungu nekusada kudya
  •  Kungoperezeka muviri zvisina tsarukano
  • Kudikitira husiku
  •  Kurwadziwa mumajoini emuviri
  •  Kurwadziwa nemudumbu
  • Kutemwa nemusoro
  •  Kupererwa nemweya wekufema
  • Kuramba uchingobatwa nezvirwere zvakasiyana
  •  Kuvaviwa neganda richiita mapundu
  • Kuzvimba mushaya, muhapwa, pahuro

Gomarara iri rinorapwa sei?

Gomarara rinorapwa zvichienderana nemhando yaro, makore ako uye kuti riri kukura zvakadii.

Zvimwe zvezvinokonzera gomarara remuropa zvinosanganisira kuvhiiwa kwenhengo dzemuviri uchiiswa dzimwe, kufambiswa kweropa kana ropa remuguvhu.

Kupiswa kwenhengo dzemuviri dzinenge dziine gomarara zvichiitwa nemachiremba (chemotherapy) kana kutora mishonga inodzivirira gomarara iri kuti risaramba richinyuka.

Kana mangosangana nezvimwe zvezviratidzo zvirimuchinyorwa chino mhanyai kunoongororwa. Zvakadaro, hazvirevi kuti munhu akaita zvimwe zvezviratidzo izvi atova negomarara.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti vanhu vari kutora mishonga yavo yemaAnti Retroviral Therapy (ARVs) uye kusandura nzira dzekurarama nadzo. Kukasika kuvhenekwa gomarara kunobatsira mukuchengetedza upenyu nekudaro vanhu ngavakasike kuvhenekwa nekurapwa uye vange vachivhenekwa zvakare utachiona hweHIV nekukasika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey