‘Mhanzi isingavake bodo’

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
‘Mhanzi isingavake bodo’

Kwayedza

MUIMBI wemusambo wechitendero, Praise Makumbirofa, anoti vechidiki ngavafarire kuparidza shoko raMwari pane kuswera vachiimba mhanzi isina zvainovaka muhupenyu hwevanhu.

Dr Praise, sekuzivikanwa kunoitwa Makumbirofa munyaya dzemagitare, anoti mhanzi yechitendero ndiyo inovaka vanhu uye nekuvarakidza gwara rakanaka.

“Vechidiki vazhinji vari kurasika nekuti mhanzi imwe yavari kuteerera kana kuimba iri kukanganisa, ichi ndicho chokwadi. Saka sevaimbi, tinoti mhanzi ngaive inovaka uye ine zvainoreva nekuti vanhu kazhinji vanoteerera zvatinenge tichiimba votevedzera. Saka zvakakosha kuti sevechidiki tifambe nevhangeri nekuti kuna Mwari ndiko kune zvose zvatinotsvaga nekushuvira,” anodaro Dr Praise.

Muimbi uyu achangobva kubura dambarefu rake rechipiri rinonzi Dura Remazwi uye anoti shuviro yake kudzidza kubva kune vaimbi vane mukurumbira vakaita saPastor Charles Charamba naBlessing Shumba.

“Kushanda nevaimbi vave nemakore muindastiri iyi kunobatsira zvikuru nekuti unodzidziswa gwara rakanaka rekufamba naro uye ini ndizvo zvandinoshuvira chaizvo.

“Zvekuswera uchiimba nziyo dzinokurudzira kunwa doro, kuputa mbanje kana kuita chipfambi zvakashata,” anodaro.

Muchinda uyu akatanga kuimba apo aive achiri kuyaruka ari kuchechi yeSalvation Army uko kwakabva zita rake remadunhurirwa rekuti Dr Praise.

Anoti kamwe kambo kari padambarefu rake idzva iri kanonzi Diaspora kanokurudzira vanhu vanoenda mhiri kwemakungwa kuti vasakanganwe mhuri nehama dzavanenge vasiya vachikwangwaya kuZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links