‘Mhanzi ngaipe dzidziso yakanaka’

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
‘Mhanzi ngaipe dzidziso yakanaka’ Papah Jawah

Kwayedza

Abel Ndooka

UMALI Jawad muimbi wemusambo wePansula, Traditional neSungura anoti mhanzi yakakosha zvikuru muraramo yevanhu nekudaro vaimbi vanofanirwa kuimba nziyo dzinopa dzidziso yakanaka kune veruzhinji.

Papah Jawah — sekuzivikanwa kunoitwa Jawad munyaya dzemhanzi — anoti ino haisisiri nguva yekuti vaimbi vaimbe nziyo dzinokurudzira mhirizhonga kana kutsvaga mbiri vachizvirova matundundu. Anoti nziyo ngadzive dzinodzidzisa veruzhinji zvakasiyana nekukurudzira kuti vazvibate muhupenyu hwavo.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti mhanzi yedu ive inovaka kwete kungoimba pasina chatinenge tichidzidzisa kuvanhu.

“Vanhu vari kusangana nematambudziko akasiyana muhupenyu hwavo saka isu sevaimbi tinofanirwa kuvapa tariro uye kudzidzisa kuburikidza nemhanzi yedu,” anodaro Papah Jawah.

Muimbi uyu ane kambo kanonzi HIV/AIDS-Nguva Yakwana ako anokurudzira veruzhinji kubatana mukurwisa chirwere ichi.

“Denda reHIV neAIDS rashungurudza uye raparadza zvikuru mhuri zhinji saka ndizvo zvatinofanirwa kunge tichiimba sevaimbi tichidzidzisa kuti vanhu vazvibate, vazive kuti denda iri rinouraya uye rinoparadza. Zvinhu zviri kusanganikwa nazvo nevanhu saka tinofanirwa kutaura nezvazvo,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links