Mhere bovo mudare

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
VANHU vaive mudare vakashamisika apo mudzimai wekuGlen View, muHarare, — uyo wekutorerwa murume neshamwari yake yepamwoyo, iyo yaanoti yakashandisa mushonga — akazobongomora mhere achiti akagurwa kunorira.

Izvi zvakaitika muHarare Civil Court mushure mekunge Marewa Changwa amhan’arira mudzimai wake, Patience Motsi, achimupomera mhosva yekumurova, kumutuka nekushungurudza shamwarikadzi yake. Changwa — uyo ave kugara kuMufakose neshamwarikadzi iyi – anoti Motsi anomushaisa rugare nekumutuka pane vanhu.

“Ndauyawo nenyaya yandishaisa mufaro nerugare. Mukadzi wangu anondirova, kundituka pamwe nekungotaura zvinonyadzisira. Mumwe musi ndakamuendesera zvokudya kumba kwaanogara nevana kuGlen View akasvikovhura musiwo wemota akarova shamwarikadzi yangu yaivemo zvekuti haisisinawo mufaro,” anodaro.

Changwa anoenderera mberi achiti, “Musi waakarova shamwarikadzi yangu, ndakasvika zvazara pabasa pangu ndave kusekwa nevanhu kuti ndinotongwa nemukadzi. Anondirambidza kuona vamwe vana vedu vaanogara nawo. Tine vana vatatu pamwe chete asi anondirambidza kuona vaviri, mumwe wacho akatoroorwa.”

Changwa anotiwo mudzimai wake haagare pamba uye anosiya vana vari voga achingoenda kwaada.

“Tanzwa nekuuya kumatare nekuda kwake, anongouya achida kutora magwaro asingaperi. Akambotorera shamwarikadzi yangu magwaro akazonditorerawo,” anodaro.

Motsi anopokana nemurume wake achiti ndiye anotomurova nekumushaisa rugare.

“Changamire, murume uyu zvose zvaari kutaura inhema, anongoda kundikaurisa neshamwarikadzi yake. Shamwarikadzi yake ishamwari yangu yepamoyo iyo yakanditorera murume. Ndinoziva kuti akashandisa mushonga.

“Pari zvino mwana wangu wekutanga akatondivenga nekuda kwake anototi shamwarikadzi yababa itori nani kupfuura ini,” anodaro achibva atanga kuridza mhere.

Motsi anoenderera mberi nekusvimha misodzi achiti, “Mubvunzo wangu kumurume wangu ndewekuti akaonei pamunhu ane vana 6 nevazukuru vaviri achindisiya ini mudzimai wake? Iyo shamwarikadzi yake ine vamwe varume vakawanda vandinoziva, ndinozviziva nekuti ishamwari yangu yepomwoyo.”

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaChangwa achiti haana kupa umboo hunogutsa hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naMotsi.

Share This:

Sponsored Links