Mhinduro dzeNzwisiso

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yenzwisiso nepfupiso zvaibva pamepu yaive nemusoro wakanzi Zimbabwe shongarunako. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo. Asi tisati takupai mhinduro idzi ngatimbotangai tatarisa mhinduro dzakatumirwa nevamwe venyu.

Tonderai Chiwara, Fomu 4 Mufakose 3 Secondary School, Mufakose, Harare, Zimbabwe

  1. Zimbabwe
  2. Harare
  3. Matobo National Park, Hwange National Park, Matusadonha National Park neGonarezhou National Park
  4. Zambia, Mozambique, South Africa neBotswana
  5. Masvingo
  6. Mapopoma
  7. Kukwezva vashanyi vemuno pamwe nevekunze kwenyika pamwe nekuwana mari yekune dzimwe nyika
  8. 2 592m
  9. Lake Kariba
  10. Hwange National Park
  11. Ine nhoroondo yezvinyorwa zvakanyorwa pamatombo zvakasiyana zvakanyorwa nemaSan people pamwe nemiti, mhuka neshiri dzemarudzi akasiyana siyana izvo zvinokwezva vashanyi vazhinji vachiunza mari yemuno pamwe neyokunze. Ndoshaka yakatikoshera isu zvizvarwa zveZimbabwe.
  12. Lusaka
  13. Zimbabwe
  14. Hurumende inofanira kuisa mitemo yakaomarara inoranga ani naani anoonekwa achivhima mhuka zviri kunze kwemutemo yenyika, kudzidziswa kwemhando yepamusoro kune avo vanochengetedza mhuka pamwe nekutenga michina yemhando yepamusoro soro yechizvino zvino inoongorora pose pari kuvhimwa mhuka zviri kunze kwemurawo.

Pfupiso:

  1. Zimbabwe inyika iri kuchamhembe kweAfrica. Harare ndiyo guta guru ichiteverwa neBulawayo inova guta guru repiri uye Zimbabwe ine maguta madiki mazhinji. Yakakomberedzwa nenyika ina. Ine mapopoma eVictoria Falls, nzvimbo dzekuchengetera mhuka, makomo anoyevedza, mapurazi mazhinji, madhamu nemiganhu yenyika izhinji.

* * *

Tinovimbashe D Ngwaru, Mandedza High School, Fomu 4, Chakahwata Village, Seke

0714 490 920

  1. Zimbabwe
  2. Harare
  3. Gonarezhou National Park, Hwange National Park, Chizarira National Park neMatusadona National Park.
  4. Zambia, Botswana, South Africa, Mozambique.
  5. Masvingo
  6. Mapopoma emvura.
  7. Kuwanikwa kwemari yekunze kuburikidza nekushanyirwa.
  8. 2 592m
  9. Lake Kariba
  10. Hwange National Park.
  11. Kushanyirwa nedzimwe nyika uye nekudzidzisa.
  12. Lusaka – Zambia
  13. Zimbabwe
  14. Kuisa mitemo inodzivirira mhuka kubva kune vanonotora zvisiri pamutemo.

* * *

Khangelani Murimi, Hande High School, Form 1, 0782485256.

  1. Zimbabwe;
  2. Harare;
  3. Matusadona, Hwange, Chizarira neMatobo;
  4. Zambia, Botswana, South Africa neMozambique;
  5. Masvingo;
  6. Victoria falls;
  7. Kuwana mari dzekunze kwenyika;
  8. 2592
  9. Zambezi River;
  10. Gonarezhou;
  11. Kuchengetedza mhuka;
  12. Zambia;
  13. Zimbabwe;
  14. Kuchengetedza miti;
  15. Zimbabwe inyika ine zvicherwa zvakawanda zvinokosha. Mhuka tine mhando dzakawandisa dzinotipa mari kuburukidza nevashanyi nenyama uye kutengesa nyanga. Munezvekurima tiri nyanzvi, tinorima zvirimwa zvakawandisa kusanganisira chibage.

* * *

Hedzinoi mhinduro dzaitarisirwa neveKwayedza:

  1. Zimbabwe
  2. Harare
  3. Chizarira/ Hwange/ Gonarezhou/ Matobo/ Matusadonha National Park
  4. Mozambique/ Zambia/ Botswana/ South Africa
  5. Masvingo
  6. Mapopoma emvura.
  7. Vashanyi vanouya munyika/kuwana mari yekunze/vanhu vanowana mabasa mumahotera uye kutengesa zvigadzirwa.
  8. Mamita zviuru zviviri nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemaviri (2 592m).
  9. Zambezi
  10. Chizarira/Hwange National Park
  11. Inokwezva vashanyi vanoda kuona mhuka, nyika yowana mari/mabasa anomuka/vana vanobatsirika muzvidzidzo zvavo.
  12. Lusaka
  13. Zimbabwe
  14. Kuti hurumende iise mitemo yekuchengetedza zvipuka zvesango/kusunga vanhu vanoparadza zvisikwa/kuchengetera mhuka munzvimbo dzakakomberedzwa.
  15. Pfungwa huru dzingangonyururwa kupfupiso.

– mufananidzo unoratidza mepu yeZimbabwe.

– Zimbabwe yakavakidzana nenyika dzinoti Mozambique, Zambia, Botswana, South Africa.

– muZimbanwe mune nzvimbo dzekuchengetera mhuka dzakawanda.

– pamepu panoratidzwa guta guru reZimbabwe nereZambia.

– kumuganhu weZimbabwe neMozambique kune Nyamapanda.

– kudyidzana kwenzizi dzinopfuura muZimbabwe dzichienda kune dzimwe nyika, Limpopo inopfuurawo nemuSouth Africa, Zambezi yopfuurawo nemuZambia.

– mune gomo rakareba zvikuru rinonzi Nyangani.

Mudzidzi akaunza mhinduro yakanyanya kunaka svondo rino ndiTonderai Chiwara ari muFomu 4 paMufakose 3 Secondary School, kuMufakose, muHarare. Kana akapindura zvakare mibvunzo yesvondo rinotevera zvakanaka achahwinha mubairo webhuku rekuverenga reChiShona.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey