Mhinduro yenzwisiso

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapfuura takaita mibvunzo yenzwisiso nepfupiso zvaibva panyaya yaive nemusoro wakanzi Zimbabwe nyika inoyevedza. Zvino svondo rino tinokupai mhinduro dzinotarisirwa pamibvunzo yamakasangana nayo. Asi tisati takupai mhinduro idzi, ngatimbotangai tatarisa dzimwe dzemhinduro dzakatumirwa nevamwe venyu:
Tinovimbashe Ngwaru, Mandedza High School, Fomu 4 , Chakahwata Village, Seke
1. Zimbabwe
2. Bulawayo
3. Sirivheri nendarama
4. Mbuya Nehanda naSekuru Kaguvi
5. Mvura inotonhorera igume yobuda utsi nemifananidzo yemabwe nemazaya echando anobuda akaumbwa nemafungu emvura
6. Kuruka tswanda, tsero nemabhasikiti
7. Mamita zana nemakumi maviri nemasere
8 a. Kushanya kwevachena
b. Kuvaka pasina ivhu
c.Tsoko dzinotora dzichidya
d. Kushamisika
Kune makomo okumabvazuva marefu nemiti inoyevedza inokwezva vashanyi.
Mapopoma okuMosi-oa-Tunya kunoitika zvishamiso semvura inotonhorera inopfungaira hutsi.
Masvingo eZimbabwe akavakwa nematombo pasina ivhu.
Pane chitsuwo cheKariba icho chinoyevedza uko kunowanikwa hove inonzi hunga.
Vanhu vanotandarira zvavo muzvikepe vari mumvura. Kune zvikomo zveMatopo izvo zvakavigirwa Mzilikazi izvo ndiye akazvipa zita iri. – +263717724754
* * *
Blessed Kandiado, Form 3 Chatiza High School, Box 155, Mutoko
1. Zimbabwe
2. Bulawayo
3. Sirivheri nendarama
4. Mbuya Nehanda naSekuru Kaguvi
5. i mvura inotonhora inofungaira pasina moto.
ii. mazayi echando anoumbwa nemafungu emvura.
6. Kuveza tsvimbo dzine mucherechedzo wokuzvongonyoka kwerwizi Kariba.
7. Mamita zana nemakumi maviri nemasere.
8. a. kushanya kwavachena
b. mudhuri wakavakwa nematombo pasina dhaka.
c. tsoko dzaidya zvemahara zvekungonhonga.
d. kuyeverwa/kushamisika.
9. Zimbabwe inyika yakashongedzwa nezvinoshamisa zvakasiyana. Ine mapopoma eMosioa-Tunya ayo anopfungaira pasina moto. Kune dzimba dzemambwe rudziro rwakavakwa nemabwe asina dhaka. Guta reBulawayo rine matombo anoyevedza akarongedzwa pachikomo chaMatopo, paGonarezhou unoona mhuka dzakasiyana dzinobhururuka, dzetsoka nedzinofamba nematumbu. Kudzitaura hadzingapere nzvimbo dzinoyevedza munyika.
Mhinduro dzaitarisirwa:
1. Zimbabwe
2. Guta reBulawayo.
3. Siriveri nendarama.
4. Nehanda naKaguvi
5. Kune mvura inotonhora asi poonekwa pachibuda chiutsi pasina moto.
6. Kuita mibato wekuveza tsvimbo dzine mucherechedzo wekuzvonyongoka kwerwizi Zambezi.
7. Mamita zana nemakumi maviri nemasere.
8. Kutsanangura ndevo:
(a) kushanya kwevarungu vakawanda.
(b) kuvakwa nematombo pasina dhaka.
(c) tsoko nemakudo zvinoba chikafu chevanhu.
(d) unopererwa.

9. Pfupiso
— Zimbabwe ine nzvimbo dzakawanda dzinoyevedza
— kune mabwe akaturikidzana mumakomo ekumabvazuva
— mapopoma eVictoria Falls anoyevedza uye chiutsi chinobuda pamvura yakatonhora chinoshamisa
— matombo akavirikidzana kumasvingo eZimbabwe
— Kariba ine dhamu guru uye vagari veko vane zvipo zvekuveza, kuruka tswanda nemabhegi
— kuBulawayo kune makomo eMatopo, iyi inzvimbo inoyera
— Gonarezhou ine mhuka dzinofamba
Mudzidzi akaunza mhinduro yakanyanya kunaka svondo rino ndiBlessed Kandiado, ari muForm 3 paChatiza High School, Box 155, Mutoko. Kana akapindura zvakare mibvunzo yesvondo rinotevera zvakanaka achahwinha mubairo webhuku rinonzi Ngatidzidzei ChiShona rinoenderana nefomu yaari gore rino.

Share This:

Sponsored Links