Uncategorized

Mhirizhonga mudzimba yowanda

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Mhirizhonga mudzimba yowanda

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

Nyaya dzemhirizhonga yemudzimba pamwe nekusagarisana zvakanaka munharaunda dzinoratidza kuti dziri kuwanda zvikuru zvichitevera mhosva dzerudzi urwu dzinosvika 1 501 idzo dzakatongwa mudare reHarare Civil Court kubva mumwedzi waNdira kusvika Zvita gore rapera.

Magwaro ari mudare iri anoratidza kuti gore rapera bedzi, rakatonga nyaya 681 dzevanhu vaikumbira magwaro edzviviriro (Protection Order) ne820 avo vaida magwaro erunyararo (Peace Order).

Gwaro redziviriro rinopihwa kumunhu waunenge uine hukama hwepedyo naye uye uchigara naye pamba kana kuti mumba mumwe chete semurume nemukadzi kana kuti mwana nemubereki wake.

Gwaro rerunyararo rinopihwa kumunhu akaita semuvakidzani kana mumwewo wemunharaunda.

Kune vamwe vanokwidza nyaya dzavo kumatare edzimhosva vachikumbira magwaro asiriwo nekuda kwekusaziva izvo zvinoita kuti zvikumbiro zvavo zviraswe nedare.

Achitsanangurira kumumwe murume akange aisa chikumbiro chisiricho pamberi pedare nguva pfupi yadarika, mutongi Noah Gwatidzo wedare reHarare Civil Court anoti magwaro maviri aya ane musiyano mukuru.

“Gwaro redziviriro rinoshanda kuvanhu vane hukama huri pedyo nepedyo, vanogara vose kana vakambogara vose sekuti mwana nemubereki, mudzimai nemurume wake, hanzvadzi nehanzvadzi, vamwene nemuroora kana dzimwewo hama. Asi, gwaro rerunyararo harinei nehukama sezvo richishanda kumunhu chero upi zvake, angave muvakidzani, shamwari kana musevenzi.

“Mutemo hautenderi kuparwa kwemhosva, mhirizhonga haibvumidzwe nekuti munhu wose ane kodzero yekugara zvakanaka. Nokudaro gwaro redziviriro riripo kuchengetedza munhu richishanda kwemakore mashanu kana kupfuura uye rerunyararo richishanda kwegore rimwe chete,” anodaro mutongi Gwatidzo.

Magwaro maviri aya anobatsirana pakuchengetedza runyararo uye anorambidza zvinosanganisira kutukana, kurovana, kuparadzwa kwemidziyo, kumanikidzwa bonde nekushandisa kana kutengesa midziyo yewanano pasina chibvumirano.

Bepanhau reKwayedza rinogarobuditsa nyaya dzine chekuita nemhirizhonga mudzimba nemunhauraunda dzinosanganira kunetsana pakati pavamwene nemuroora vachipumhana huroyi, vana vanoshungurudza vabereki, kusawirirana kwemaroja nevaridzi vedzimba dzavanenge vachigara nedzimwe dzakasiyana-siyana.

Share This:

Sponsored Links