Uncategorized

Mhirizhonga: Waivepi? Wakataurei?

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Waiitei? Wakatorei? Wakapihwei?

 

naIgnatius Mabasa

URI muKristu? MuKristu chaiye wechokwadi-chokwadi? Kana chiri chokwadi kuti uri muKristu, ko pakanga pachiitika mhirizhonga nebongozozo rekupiswa kwematayi, kupiswa kwemota nekubiwa kwezvinhu muzvitoro iwe wakanga uri kupi? Waiitei? Wakataurei? Wakatorei? Wakapihwei?

Ndiani wawakapupurira paidiwa kupupurirwa vanhu vakanga vaba? Iko zvino paunodarika nepane mota dzakapiswa nedzimba dzakaputswa mahwindo, nezvitoro zvakapazwa zvikabiwa unofungei?

Sei ndatanga nekubvunza kuti “Uri muKristu?” Munguva dzekupenga kwevanhu sedzatakanga tiinadzo mazuva apfuura, pane vanhu vanokanganwa hunhu hwavo. Vanhu ivavo vanobatwa nemweya wekuti kana makudo akavaona anobata kumeso achishaya pekupinda nekunyara.

Zvimwe chetewo, munhu anoti muKristu haabatwe nemhepo dzinosimuka dzichiwaranyura matenga ezvinhu zvinokosheswa naKristu – tsitsi, rudo, mwoyo murefu, hunyoro nechokwadi. Kana munhu achiti muKristu, asi achiba, achikurudzira kurwa nemhirizhonga, achinyepa nekupopota – munhu iyeye anoda kuti azvibvunze kuti muKristu waJesu upi.

Zvakanzi naC.S. Lewis, “Kupfeka Kristu sehembe rimwe rezvinhu zvakawanda zvinofanira kuitwa nemuKristu; zvakarewo kupfeka Kristu uku hakusi chinhu chakakosha chinoitwa nevanhu vakakosha chete (Papa weRoma, Fata, muporofita, mufundisi nevamwe). Kupfeka Kristu kunofanira kuitwa nemaKristu ese.”

Saka nyaya iri pano inyaya yekuti kana ukange uri muKristu, asi worega kupfeka Kristu, unenge wafanana nemunhu ageza, akazora mafuta akabuda mumba make achienda kuHarare, asi asina kupfeka hembe nekuti akakanganwa kupfeka. Kukanganwa kuti uri muKristu nekuda kwenzvimbo kana zviri kuitika pauri kukanganwa zita rako, vabereki vako, nekumusha kwako.

Wakanga uchiitei pakapiswa matayi mumigwagwa, kupazwa nekubiwa muzvitoro? Zvakanzi naKaty Kauffman, “Vakapfava havarege kuve nesimba ravo kuti vanzi vane humwari mavari, chavanofanira kuita kurega kushandisa simba ravo kukuvadza.”

Kana wakanga uripo pakanga pachipiswa nyika, wakanga uchipisa nyika yaani? Ichokwadi une simba riri mauri – simba rekuita zvinhu zvakawanda, asi simba rawakashandisa kunotora zvinhu muchitoro usina kutenga zvinhu izvozvo – wakakuvadza Jesu, wakakuvadza nyika, wakakuvadza muridzi wechitoro, wakakuvadza zita renyika kunyika dziri kure.

Pakanga pachipfungaira hutsi munzvimbo dzakapiswa nedzakapazwa dzikabiwa, ndakafungisisa pamusoro pehunhu hwekupaza nekuparadza. Panguva yemhirizhonga yakaitika, vamwe vedu takapaza Jesu nerunyararo rwaanoparidza. Takapisa tsitsi nerudo.

Ndakatya, uye nazvino ndichiri kutya nekushandurwa kwatinoitwa nezvinhu zvinenge zvichiitika nyangwe zvisina kunaka.

Kana uri muKristu, usapinde muchitoro uchitora zvinhu nyangwe ukawana musiwo yechitoro yakati haradada. Kana Jesu ari mauri usamuburitse nekuti paita mukana wekuba saga reshuga inopera.

MuKristu anofanira kufanana naJesu. MuKristu usakanganwe Mwari. Sei Mwari vachida vanhu vanovateerera?

Munhu akasikwa naMwari kwete WhatsApp, uye pavakamusika vaimudzidzisa mararamiro aaifanira kuita hupenyu. Mwari ndivo instruction book yemunhu.

Munhu naMwari vaitaurirana, vaive nehukama. Munhu achibvunza, Mwari vachipindura nekumutsanangurira.

Musiki aitaurira munhu wake zvekuita. Mwari vaiziva zvinouraya munhu nezvinomuraramisa. Saka kana achingoita zvaitaurwa naMwari chete, munhu akanga asina matambudziko.

Mwari vanoziva kuti tinogona kuteerera zvimwe zvinhu zvizhinji panyika pano.

Kufanana naAdam naEve, tiri kuteerera mamwe mazwi asiri aMwari. Nhasi uno tinoteerera shamwari, vakuru vekubasa, tinoteerera zvinotora maziso edu, tinoteerera njere dzedu, mari yedu, mabasa, dzidzo, mbiri, hembe dzatinopfeka, mapato ezvematongerwo enyika, zvikwata zvenhabvu, doro nezvimwe zvakawanda.

Sekutaura kwaJulie Lavender,  “Kana pakaita zvinhu zvinondishandura muhupenyu, ndinoda kusangana naMwari muzvinhu izvozvo, ndigomurumbidza nepfungwa dzangu, nezvandinoita nemashoko angu uye nemabasa angu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>