Uncategorized

‘Mhirizhonga yemudzimba bodo’

18 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
‘Mhirizhonga yemudzimba bodo’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KUNYUKA kwechirwere cheCovid-19 kunonzi kwakaona kuwanda kwenyaya dzemhirizhonga yemudzimba pakati pevakaroorana izvo zvinokanganisa kugara zvakanaka kwemhuri.

Izvi zvakabuda pachirongwa chakaitwa nemusi weChitatu muguta reHarare nemapoka anorwira kodzero dzevanhukadzi akadai sebazi rinoona nezvemadzimai, nharaunda uye kusimudzirwa kwevanhukadzi, Population Solutions for Health (PSH) neSwedish Embassy chekurwisa mhirizhonga dzinonyanya kuwanikwa murudo kana muwanano.

Chirongwa ichi chakaitwa pasi pedingindira rinoti “Rudo Harurove”.

Vaive muyenzi mukuru pachirongwa ichi, mutevedzeri wegurukota rezvemadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwenyaya dzemabhizimusi madiki neari pakati nepakati – Cde Jennifer Mhlanga – vanotenda mapoka ose ari kubatsira mukurwisa mhirizhonga yemudzimba.

“Ongororo yakaitwa inotaridza kuti pakati pemadzimai maviri, mumwe chete wavo anenge ari kusangana nemhirizhonga. Tinotenda zvikuru sangano rePSH iro raimbodaidzwa kunzi PSI sezvo rakavandudza zita raro nedonzvo rekuona kuti vanhu vese vawaniswa utano, zvikuru avo vanosangana nemhirizhonga dzepabonde kuti vawaniswe utano hwesikarudzi. Munguva yelockdown inova yakavapo nekuda kwedenda reCovid-19, mhirizhonga dzevanhu vari muwanano dzakawanda nokuti vazhinji vakanga vasina kujaira kugara mudzimba pamwe chete kwenguva ndefu uye kushaikwa kwezvikwanisiro panguva iyoyo sezvo vakawanda vakanga vasiri kuenda kumabasa izvo zvakawedzera nyaya dzemhirizhonga,” vanodaro Cde Mhlanga.

Vanoti kuwanda kwemhirizhonga mudzimba kunoshungurudza vana zvekare sezvo vanenge vachiona kurwisana kwevabereki zvichiita kuti vawanikwe vachiderera mudzidzo yavo, pakati pezvimwe.

Dr Noah Taruberekera vanova executive director wesangano rePopulation Solutions for Health vanoti kuumbwa kwechirongwa ichi kwakambonetsa zvichitevera kunyuka kwechirwere cheCovid-19.

“Chirongwa chechenjedzo chakambovhiringwa nedenda reCovid-19 nekuti hazvaiva nyore kuti tikushe mashoko pamasai-sai eindaneti bedzi. Vamwe vanhu vaifanira kubatwa nemashoko aya vakanga vasiri pamasai-sai nekuda kwekudhura kwemabhanduru kana kusava nenharembozha nemakombiyuta ekushandisa zvichitevera kusiyana kweraramo. Taisungirwa zvekare kuti tipinde muvanhu tichivabvunza nezvemhirizhonga nekuti taida kuziva honzeri dzemhirizhonga uye hudzamu hwacho. Saka nekuda kwechirwere cheCovid-19, zvizhinji takazopedzisira tava kuzviita pamasai-sai zvinova zvakatitorera nguva ndefu uye kutidhurira,” vanodaro.

Vanoti zvisinei nematambudziko aya, vakakwaniswa kukunda vachitsigirwa nemuzinda unomirira nyika yeSweden muno (Swedish Embassy).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey