Mhondi dzakatora hura, netsoka dzemunhu

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mhondi dzakatora hura, netsoka dzemunhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nekuchekeresa munhu, murume anga achishanda semufudzi wemombe pane rimwe purazi riri kuRushinga, anonzi akawanikwa akapondwa – dumbu rake rikavhurwa, hura ndokuburitswa uye makumbo ake akadamburwa tsoka dzose nemuzviziso.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa20 Chivabvu papurazi Number 577, kuChesa, apo mutumbi waKenius Musona (29) wakawanikwa uri musango uye wakatemwa-temwa.

“Tine nyaya inoshamisa yatiri kufeya semapurisa, yemurume ainzi Kenius Musona aibva kwaMambo Rusambo, kuChimhanda, kuRushinga uyo aifudza mombe papurazi reNumber 577, kuChesa. Mutumbi wake wakawanikwa musango wakatemwa-temwa, hura hwake hwakaburitswa kunze kwedumbu hwakaiswa parutivi uye makumbo ake ose akadamburwa tsoka, dzisipo,” vanodaro.

Murume uyu anonzi akabva pamba musi uyu mangwanani achinofudza mombe dzepapurazi iri kumasango eko apo asina kuzodzoka.

Zvinonzi kuma4 zuva rodoka, mumwewo musikana wechidiki aitsvaga mombe dzababa vake ndiye akazoona mutumbi wemurume uyu.

“Musikana uyu akaona chitunha chemurume uyu ndokubva ashevedza vamwe vanhu vemunharaunda. Dumbu rechitunha ichi raiva rakavhurwa kuchishandiswa chinhu chakatesva, hura hwaiva kunze parutivi mumahuswa kuratidza kuti hwakaitwa zvekuburitswa nevatinofungira kuti ndivo vakaponda,” vanodaro Asst Insp Masikati. Pamusoro pezvo, zvinonzi pachipfuva chemufi uyu paiva pakavhurwa zvinoratidza kuti mwoyo wainge wakabviswa.

“Padivi pemusoro wemufi uyu paiva neronda rakadzika zvinoratidza kuti akatemwa nedemo rinova rakashandiswa kumuponda, zvinofungirwawo kuti akabviswa huropi.

“Tine fungidziro huru yekuti vanhu vakaita izvi vakazviita nenzira dzekuchekeresa kuti mabhizinesi avo abudirire,” vanodaro. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuRushinga nekumatikitivha ekuMt Darwin avo vari kuiferefeta.
Mutumbi wemurume uyu wakaendeswa kuchipatara cheChimhanda kunoongororwa.

“Vagari venzvimbo iyi vose havana kugadzikana nekuda kwechiitiko icho chinoratidza kuti ibasa rakaitwa nemabhinya ari kuita zvekuchekeresa, nekudaro vanhu vane kutya kukuru. Vave kutotya kufamba voga.

“Isu semapurisa, tiri kutsvaga vanhu vanotibatsira kuwana vakaita humhondi hunotyisa uhwu uye kana kune vanoziva nezvenyaya iyi, ngavauye kwatiri kana kuzivisa kamba iri pedyo navo,” vanodaro Asst Insp Masikati.
Vanoda kubatsira munyaya iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0774 122 287.

“Kurudziro yedu semapurisa tinoti vanhu vasiyane netsika yekufunga kuti munhu anopfuma kana kubudirira nekuponda munhu, hakuna zvakadaro. Munhu anopfuma nekushanda nekubuda dikita,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey