Mhondi dzasungwa dziri kumuporofita

29 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Mhondi dzasungwa dziri kumuporofita Assistant Commissioner Paul Nyathi

Kwayedza

Trust Freddy

VARUME vatatu vanove makorokoza, avo vari kupomerwa kuponda murume aiita basa rekutengesa zvinhu pakati peguta reHarare vachimubaya nebanga kakawanda apo vakanetsana pamusoro pechenji, vakasungwa mushure mekunge vaenda kune mumwe muporofita uyo vaida kuti avabatsire kutsipika mweya wemushakabvu kuti asavamukire ngozi.

Vatatu ava vanoti Tinotenda Zemba (20), Kudzanai Sala (21) naJohn Cheutare, uyo ane makore ekuzvarwa asina kuziviswa, vanonzi vaienda kumugodhi weJumbo kuMazowe apo vakabaya Tobias “Tobie” Mwanyenya nebanga kashanu vachibva vazotiza nemusi weBoxing Day.

Murume uyu aishandira panosangana migwagwa Sam Nujoma naFive Avenue muguta reHarare

Zvinonzi vasungwa vatatu ava vakatenga midzanga yefodya nemabanana kuna Mwanyenya vaine US$1 ndokubva vazopihwa $200 sechenji yavo.

Vanonzi havana kufadzwa nechenji yavakapihwa iyi vachiti yaiva isina kukwana vachibva vabaya Mwanyenya nebanga kakawanda achibva angofa.

Izvi zvinonzi zvakaitika nenguva dza10 husiku uyewo mutumbi uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari mangwanani ezuva rakatevera.

Mushure mekupara mhosva iyi, varume vatatu ava vakazoenda kune mumwe muporofita vachida kubatsirwa kutsipika mweya wemushakabvu.

Asi muporofita uyu akaramba kuvabatsira pane zvavaida, achibva azivisa mapurisa nekuda kwenyaya yavo yekuponda munhu vakabva vasungwa ipapo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

“Muporofita uyu mushure mekutaurirwa nyaya iyi, akaramba kuvabatsira achiti vaiva neropa mumaoko avo, ipapo akabva aridzira nhare kumapurisa vachibva vasungwa pakarepo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwanyenya anonzi akabuda ropa rakawandisa mushure mekubaiwa nebanga ndokutadza kubatsirwa nenguva izvo zvakakonzeresa rufu rwake.

Pakashanyira vatori venhau panzvimbo iyi, hama dzemufi uyu dzaigeza ropa paakaponderwa.

VaMoses Matiyase, vanova sekuru vemushakabvu, vanoti Mwanyenya aiva munhu munyoro, aizvininipisa uyewo aishanda nesimba apo akashandira panzvimbo iyi kwemakore anodarika masere.

VaSydney Biton, sahwira wemufi uyu, vanoti murume uyu aiva nerunyararo.

“Tobie aiva sahwira akanaka uyewo haana kumbobvira akarwa nevanhu. Kazhinji, aienda kumakungano emimhanzi achidzoka panzvimbo yake yekushandira,” vanodaro.

Mapurisa anoti ari kushushikana nekuda kwekuwanda kwemhosva dzekupondwa kwevanhu.

“Ukaona wakanganisirana nemumwe, tsvagai nzira dzisina mhirizhonga mukati dzekubatsirana nadzo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>