Mhondi Muvhevhi wekupfura vanhu 4 asungwa kuMozambique

16 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Mhondi Muvhevhi wekupfura vanhu 4 asungwa kuMozambique Jaison Muvhevhi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

AIMBOVA mupurisa kuchikamu cheCriminal Investigations Department (CID)

– Jaison Muvhevhi – uyo akapfura vanhu vana, vatatu vavo ndokufa kuHwedza nemusi weChishanu masikati asungwa nhasi mangwanani mushure mekunge ayambuka muganhu wenyika ino kupinda kuMozambique.

Muvhevhi, uyo anonzi ange oita zvekutengesa goridhe, akatanga nekuuraya muporofita pamasowe nekumupfura nepfuti panguva iyo aiva pamberi pevanamati achiparidza kuHwedza.

Akazopfurawo mukuru wemapurisa epakamba yeZRP Hwedza, Inspector Maxwell Hove, nemumwewo murume aishanda mubhawa ikoko.

Akapfurazve mumwe mupurisa uyo akakuvara zvikuru ari kurapwa muchipatara.

Motokari yaMuvhevhi

Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kushanda pamwe chete nevamwe vavo vekunyika yeMozambique kuti musungwa uyu adzoswe munyika muno.

Muvhevhi asungwa kudunhu reManica Province, kuMozambique, maminetsi mashoma achangodarika muganhu weZimbabwe kupinda munyika iyi.

Share This:

Sponsored Links