Uncategorized

Mhondi yakanyora chitunha 666

02 Jun, 2021 - 17:06 0 Views
Mhondi yakanyora chitunha 666 Mufananidzo weCCTV unoratidza Wisdom Mpiloenhle

Kwayedza

Judge Jarachara

MAPURISA ekuBulawayo akasunga murume ari kupomerwa kuti ndiye akaponda mumwe mukadzi aiita mabasa echipfambi pane imwe hotera yeko, ndokusiya amunyora nhamba inoti 666 pamwe nemucherechedzo wenyeredzi padumbu rake, izvo zvinozivikanwa mubhaibheri sezvechikara (mark of the beast) uye zvinodyidzana nechinamato cherima munaChikumi gore ra2019.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanoti Wisdom Mpiloenhle (25) akasungwa svondo rapera zvichitevera kunyeverwa kwakaitwa mapurisa neveruzhinji.

“Nemusi weChina svondo rapera, mapurisa akawana mashoko ekwaiva naMpiloenhle zvikazoita kuti asungwe ari kuWing East Mine, Village 10 Nkankezi, kuFilabusi uye musungwa uyu ari kubvuma kuti ndiye akapara mhosva iyi.

“Mpiloenhle anonzi akaponda Patience Ndlovu (35), aigara kuCowdray Park achiita basa rekutengesa muviri uyo waainge awirirana naye kuti vaende kunosasana pane imwe hotera uko vaida kuzopedza husiku hwose vari vose.

“Panguva yehusiku iyi, Mpiloenhle anonzi akauraya Ndlovu ndokubva amunyora nhamba dzinoti 666 nekuisa mucherechedzo wenyeredzi padumbu rake achishandisa chinyoreso chitsvuku,” vanodaro.

Mpiloenhle anonzi akabva atsakatika mushure mekuponda mudzimai uyu.

Ndlovu akawanikwa akafa nevashandi vepaSilver Sands Lodge iri panhamba 13 mumugwagwa waConnaught Avenue pakati pemugwagwa waJoshua Mqabuko Nkomo Street naJason Moyo Street nemusi wa3 Chikumi, 2019.

Insp Ncube vanoti mutumbi waNdlovu wakazoendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals (UBH) uko wakanoongororwa nemachiremba zvikaonekwa kuti akafa nekuda kwekumonywa mutsipa.

Share This:

Sponsored Links