Mhuka dzesango nevana vadzo

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chakapfuura takabata vana vemhuka dzinopfuiwa pamusha apo takaburitsa mazita anopihwa hadzi kana hono.

Tinoda kuenda mberi tichitarisa kuti vana vemhuka dzemusango vanofanana here nedziya dzinopfuyiwa.

Kune mhuka yemusango inonhuhwa zvikuru inonzi chidembo kana kuti jachacha. Chidembo chinodaidzwa zvakare kunzi bvungo.

Mwana wechidembo anongonzi mwana. Chirume chacho chinonzi chidembo chikono kana kuti mukono.

Bimha rinonzi gurukuru nerimwe zita. Mwana wacho anonzi tsvana uye bimha gadzi rinonzi gurukadzi. Mukono webimha uchinzi hote.

Gudo, bveni, dede kana kuti mutiro rinozvara mwana ane mazita akawanda. Mwana wegudo anonzi rushiye sekuziva kwevazhinji asi anodaidzwazve kuti shokorani kana kuti shokorupani. Anodaidzwa zvakare kunzi rutwiyo kana kuti chisamakei.

Chisamakei chinenge chichiri negore rimwe chete. Riya rinenge rarumurwa rinonzi mujembwa. Bveni gadzi rinonzi mhandakadzi kana kuti chikoyo.

Kumakudo kunowanikwawo nzenza dzinodaidzwa kunzi mboyi kana kuti sheriwa. Mukono wegudo unonzi horomba, hombiro kana kuti mbombo.

Mbizi hadzi inonzi gurukadzi uye inobereka mwana anonzi njenjeta. Kana iri hono inongonzi mukono wembizi.

Mbiti iya inogara murwizi ichidya makangadye nehove inonzizve binza kana kuti denhe.

Mbiti hadzi haina zita rainodeedzwa naro kunze kwekungoti mbiti hadzi, honowo ichingonzi mukono wembiti.

Mhembwe inobereka mwana anonzi mhembwana kana kuti tsvana. Mamwe mazita anopihwa mwana wemhembwe ndeanoti hwishu kana kuti chimera. Mhembwe hadzi inonzi bembwa. Bembwa risati rabereka rinonzi sheshe kana rabereka ronzi dunzvi. Mukono wemhembwe unonzi dimura.

Ngwarati ndiyo bwiraufu kana kuti mharapara.

Mwana wainobereka anonzi mhuru kotiwo ngwarati hadzi inonzi gurukadzi. Mukono wengwarati unonzi honde.

Mhofu hadzi inonzi gurukadzi zvakare uye inobereka mwana anonzi mhuru. Kana wava mukono wemhofu unonzi hunzvi.

Njiri inobereka mwana anonzi chijerere mukono wacho uchinzi hwami. Nhoro hadzi inonzi gurukadzi ana kuti marumbeni.

Mwana wenhoro anonzi mhuru asi mukono wacho unonzi shurana kana uchiri mudiki.

Mbizi inobereka njenjeta uye hadzi yacho inonzi gurukadzi. Hono inongonzi mukono wembizi.

Nyati inobereka mwana anonzi mhuru. Mhuru yenyati ichangoberekwa inonzi munava kana kuti nhedzana. Kana iri mhuru hadzi inonzi borombe uye yakarumurwa yonzi chigondora. Hadzi inonzi nyinan’ombe hono ichinzi rambwa.

Share This:

Sponsored Links