Mhuri nhatu dzakabirwa dzirere

24 Apr, 2023 - 16:04 0 Views
Mhuri nhatu dzakabirwa dzirere Asst Insp Dzvova

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MHURI nhatu dzemuHarare dzakabirwa midziyo dziri kutsi kwehope mumazuva akatsaukana nguva pfupi yadarika zvichitevera kurura kuri kuita makororo mazuva ano.

Kasirai Mudau (41) wekuMabelreign akangofumowana mumba mangosara “machira” chete apo mbavha dzakapaza musuwo wemba, ndokuba nharembozha nhatu dzinokosha US$400.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kuMabelreign Police Station.

Munyaya yechipiri, mumhan’ari Shortage Jazire (43) wepanhamba 6124 Budiriro 4, muHarare, anonzi akaenda kunorara munguva dzemanheru achibva anzwa ruzha mushure meawa.

Paakazomuka, akawana midziyo inosanganisira tangi regasi 9kg, 32 inch tv, mabhegi matatu eRhinoset, decoder necheya imwe chete zvatobiwa.

Midziyo iyi inokosha US$450 uye hapana chakawanikwa.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa.

Munyaya yechitatu, mumhan’ari Sailous Mangadza (67) wepaPlot 30 Selby Farm, kuMazowe, akabirwa huku nhanhatu nemusi wa19 Kubvumbi apo ainge akarara manheru.

“Paakamuka muzuva remangwana ndipo paakaona danga rehuku rakapazwa, huku 6 dzaivemo dzabiwa dzinova dzinokosha US$70 uye hapana chati chawanikwa. Tinoyambira veruzhinji kuti vachengetedze midziyo yavo, zvikuru munguva dzemanheru apo vanenge vakarara nekuti panguva idzodzowo makororo anenge akasvinura achiita basa rawo,” vanodaro Assistant Inspector Webster Dzvova, avo vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey