Uncategorized

Mhuri yakatsvira mumba kuSA

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Mhuri yakatsvira mumba kuSA Imba yakatsva

Kwayedza

 Pava kudiwa R160 000

Kingstone Mapupu
VANHU 4 vemhuri imwe vemuZimbabwe vakafa, vamwe vavo vatatu ndokusara vakuvara zvakaipisisa apo vanonzi vakapisirwa mumba varere kuSouth Africa svondo rino.

Sezvinonzi kufirwa nevanhu vakawanda idambudziko duku, vemhuri iyi — avo vanogara kuGlen View 8, muHarare — vatarisana nerimwezve dambudziko rekuti vaunganidze R160 000 iyo yava kudiwa kuti mitumbi yehama dzavo dzakafa iunzwe kuzovigwa kuno kumusha ichibva kuCape Town, kuSouth Africa.

Mhuri yekwaMazungunye — avo kumusha vanobva kwaMambo Hozheri, kuSanyati — vari kukumbira rubatsiro rwemari kubva kune veruzhinji yekuti vakwanise kuunza mitumbi mina yehama dzavo avo vari kunzi vakafa nekupisirwa mumba nemakororo mumusha weChris Hani uri kuCape Town.

VaShadreck Mazungunye (72) vanoti mwanakomana wavo uyo anga ari mufundisi, mudzimai wake nevana vavo vashanu vakapisirwa mumba — baba, amai nevana vaviri ndokufa.

“Ndapererwa, shoko rerufu rakauya musi weMugovera wadarika tichinzi mwana nemuroora nevana vavo vashanu vapisirwa mumba, vana vatatu ndokupunyuka.

“Zvino vakararama vatatu avo vanonzi vari muchipatara apo zvitunha zvababa naamai nevana vaviri zvinonzi zviri kumochari,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekutsvaga mamiriro enyaya iyi kubva kuvamwe vavo vekuSouth Africa vachishandisa Interpol.

VaShadreck Mazungunye vanoti tsaona iyi inonzi yakaitika nemusi weMugovera pakati pehusiku uye pane fungidziro yekuti matsotsi akangosvikotungidza imba yemapuranga yainge irere mhuri iyi.

“Mwanakomana wangu ainzi Maxwell (41), mudzimai wake Magarate Vare (27) nevana vavo vaviri vanoti Mirriam (14) naTadiwa (6) vose vakashaika mutsaona iyi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vana vakararama mutsaona iyi ndiVanessa (17), Mickel ane mwedzi gumi yekuberekwa, naTatenda (6) anova munyambiri naTadiwa uyo akashaika.”

Maxwell Mazungunye nemudzimai wake

VaMazungunye vanoti mhuri yavo haina mari iri kudiwa kuti mitumbi iyi iunzwe kumusha uyewo neyekurapisa vari kurwara vari muchipatara avo vanonzi hutsva hwavo huchatora chipo chemwedzi mitatu vachirapwa.

Maxwell anonzi anga ari mufundisi wechechi yeWorship Tabernacle International kuSouth Africa.

“Vana vangu vanonzi vakambopisirwa mumba zvakare gore rakapera paseri apo vakatsvirwa nezvinhu zvose vakapunyuka mutsaona iyi.

‘‘Aka ndekechipiri kazokonzera kuparara kwemhuri yangu yose,” vanodaro.

Masvondo maviri akadarika, zvinonzi kune mudzimai ainzi Ngazana Jabangwe (30) aiva hama yemhuri iyi uyo anga achigara kunzvimbo imwe chete kuCape Town uyo anonzi akapisirwawo mumba akafa.

Mai Tsitsi Mazungunye (67), avo vanova amai vaMaxwell, vanochemera kuti dai veruzhinji vavabatsira vawane mari yekutakurisa mitumbi kubva kuSouth Africa.

“Ndinoda zvangu kuti mitumbi yavo iuye kuno ndizogara ndichiona makuva avo. Kune vane tsiyo nyoro tinotsvagawo mari inodiwa tizovaviga kuno. Fungai kuti ndichangobva kuviga amai vangu neMugovera wadarika uno kwaChirumhanzu, kuita sezvinoshura,” vanodaro.

Mbuya Getrude Mudonhi (74) — avo vanova maiguru kuna Maxwell — vanoti vashaya pekubata nenyaya iyi.

Vanotsigirwa naFidelis Mazungunye (34) anova munin’ina waMaxwell achiti vangotarisira kubatsirwa neruzhinji rweZimbabwe.

“Hatina chekubata, hamheno chechi yaitungamirirwa namukoma kuti ine zvaichaitawo here nekuti isu hatina mari,” anodaro.

Mai Scholastic Alawa (47) vanove amainini kumhuri yekwaMazungunye vanoti: “Taomerwa, hatina chekubata.

‘‘Dai tabatsirwawo kana neHurumende takwanisa kutakura zvitunha izvi zvaunzwa kumusha. Hanzi kunodiwa R160 000 uyewo pachadiwa mari yemabhokisi nezvimwe, iko kuno kumusha vanhu vakaungana havana chekudya, vakangogara nenzara,” vanodaro.

Nyasha Mazungunye (17) anoti aivawo nehurongwa hwekushanyira mukoma wake kuSouth Africa asingazive kuti vainge vafa.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0773 234 696, 0773 782 981 kana 0778 503 485.

Share This:

Sponsored Links