Uncategorized

Mhuri yochema neCovid

12 Nov, 2020 - 08:11 0 Views
Mhuri yochema neCovid VaMutasa nemudzimai wavo nevana

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki nemudzimai wake vanogara kuWaterfalls, muguta reHarare – avo vakaropafadzwa nevana 4 panguva imwe chete (quadruplets) makore matanhatu akadarika – vanoti varemerwa nekuchengeta mhuri yavo zvichitevera kumira kwavakamboita mabasa avo ekutengesa zvinhu nekuda kwechirwere cheCovid-19.

VaMisheck Mutasa (31) nemudzimai wavo Alice Nendanga (26) – avo vanobva kwaMarange, kwaMutare – vanoti vari kutsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji.

Mhuri iyi iri kuroja imba imwe chete.

“Mwana wedu wekutanga ari kuita Grade 4, kozita ava 4 nesu vabereki tinobva tasvika 7. Mwari vakatibatsira mudzimai wangu akaita pamuviri pakazoberekwa vana 4 nguva imwe chete – vasikana vose – avo vasvitsa makore matanhatu.

“Maropafadzo aye azotipandukira nekuti hatichakwanisa kuriritira vana. Dambudziko iri razowedzera nedenda reCovid-19 apo ini ndakambomira kuita basa rangu rekutengesa kuMbare,” vanodaro.

Murume uyu anoti akagumira mugwaro reGrade 6 uye hakuna rimwe basa raakamboita kunze kwekutengesa zvinhu zvinosanganisira muriwo, matomatisi, mbambaira, mbatya nebhinzi.

“Ndinohodha zvinhu ndichitengesa kuMbare. Takamiswa kuita basa iri mumwedzi waKurume gore rino nekuda kweCovid panova pakabva paenda zvinhu zvangu musango. Ndava kurarama nekudya nhoko dzezvironda, uye handina anondibatsira.”

Kwayedza yakaona gwaro rakanyorerwa mhuri iyi rekuti vachibva pamba pavanoroja apa mwedzi uno zvichitevera kutadza kwavari kuita kubhadhara mari yerendi.

Mai Nendanga vanoti semunhu anoswera nevana pamba, dambudziko ravo guru ndere kushaya chikafu.

“Taimbobatsirwa nevamwe amai vekuGweru avo vakambomira kutibatsira, vana havana mbatya dzekuendesa kuchikoro nedzekupfeka vari pano pamba,” vanodaro amai ava.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0779 051 849 kana 0778 007 362.

Share This:

Sponsored Links