Uncategorized

Mhuri yogariswa musango naPapa . . . ‘Ndiko kuti nhamo dzenyu dzipere’

14 Jan, 2021 - 13:01 0 Views
Mhuri yogariswa musango naPapa . . . ‘Ndiko kuti nhamo dzenyu dzipere’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chevanamati 13 vechechi yeJohane Masowe weChishanu vanobva kwaMurehwa — vanhu vakuru nevana — chinonzi chapedza mwedzi mitatu chichigara pamhene musango riri kuGweru mushure mekunzi nemumwe muporofita vanogara panzvimbo iyi kusvikira matambudziko avari kusangana nawo apera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti kune vanhu vanokwana 13 — vakuru vasere nevana vashanu — vakabva kwaMurehwa vasvitsa mwedzi mitatu vagere pasowe pane rimwe sango riri ku”round-about” yekuDairy Board, kuGweru vachiti vakamirira mumwe mukuru wemaporofita anoda kuvabatsira mumatambudziko avo.

“Vagari vekunzvimbo iyi vaita nguva vachiona vanhu ava kusvikira vazoenda kumapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMutapa. Chinoshamisa veruzhinji, ndechekuti vanhu ava vanongonaiwa nemvura varipo pasina pekuvanda. Mapurisa akazosvika pane vanhu ava ndokuda kuvasunga maringe nemitemo yekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Asi, ndokuzoona kuti vanhu ava vakanga vanyeperwa nemumwe muporofita kuti vagare apa kusvikira matambudziko avo apera apo anonzi akavasimbisa kuti aizouya kwavari achivabatsira kunyangwe zvazvo asina kuzouya,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vanhu ava vachitaurwa navo, vanoti vanoda kudzokera kumusha kwavo kwaMurehwa.
“Vari kuti havana mari dzemabhazi dzekuti vadzokere kumusha kwavo izvo isu semapurisa nemumwe murume akazvimirira wemuno muGweru, takazvipira kuvabatsira nemotokari yekuvadzosera kumusha kwavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinotenda zvikuru VaPhillip Marufu vanoita zvebhora muno muGweru, ndivo vakazvipira kubatsira vanhu ava nemotokari kuti vadzokere kwaMurehwa uye matsamba ekufambisa takatogadzira.

“Asi nyaya hombe tinoti vanhu ngavatevedzere mitemo yose yekurwisa Covid-19 vogara kudzimba ivowo vemachechi ngavasiyane nekuungana, hazvibvumirwe panguva ino.”

Share This:

Sponsored Links