Uncategorized

‘MHURI YOSE TIRI MBAVHA . . .‘Inini, vamwene, murume wangu nevaramu’

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘MHURI YOSE TIRI MBAVHA . . .‘Inini, vamwene, murume wangu nevaramu’ Vimbiso

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki uyo ari kupika jeri kuChikurubi Female Prison, muHarare, nemhosva yekuba ave kubuda pachena kuti vanhu vemhuri yaakaroorwa vose imbavha.

Vimbiso (33) — uyo akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 asi ndokuzobvisirwa mwedzi mina ndokunge aita hunhu hwakanaka — anoti kumba kwaakaroorwa vanhu veko vose imbavha.

“Ndakasungwa nemhosva yekuba apo ndaiita izvi nemurume wangu nanababamudiki vaviri inova nyaya yaizivikanwa mumhuri, kusanganisira navamwene vangu. Taishandisa motokari dzepamba pedu apo ini ndaityaira Pajero tichinoba kunzvimbo dzakawanda. Iri ndiro basa rairaramisa mhuri yose, kusanganisira neni,” anodaro Vimbiso.

Vimbiso — uyo ane dhigirii reAccounts — anoti vaifamba vachiba zvinhu kunzvimbo dziri muHarare dzinosanganisira Kuwadzana, Dzivaresekwa, Borrowdale neWaterfalls, kuChivhu, kuBulawayo nekuNorton.

“Ini ndini ndaitungamirira chikwata chevarume vatatu nemadzimai maviri ichi uye motokari yePajero yandaityaira yaiva yavamwene vangu. Murume wangu aityairawo Runnex iyo taiita yekuhaya kune vamwe vanhu.

“Ndakazosungwa gore rakapera munaChikumi taenda kunoba kuWest View Medical Centre, kuKuwadzana, apo ndakanyepera kurwara nguva dziri kuma3 kunze kwave kuedza. Ini ndakapinda mukati varume ndokusara panze,” anodaro Vimbiso. Anoti panguva iyi, semunhu ainyepera kurwara, akazotuma mumwe mushandi aive muchipatara ichi kuti anomutorere mari kune vanhu vaiva panze apo iye akasara achiba mari yaiva mudhirowa remo.

“Mukomana aida kundibatsira uyu akanopihwa mari yemanyepo US$20 iyo akadzoka nayo, ava vaiva panze vakazosara vachitakura genareta ndokuisa mumotokari yedu. Ini ndakaba US$1 500 yaiva mudhirowa.

“Ndakaroorwa mhuri iyi ichingoba, ndiko kwandakazvidzidzirawo.”

Vimbiso anoenderera mberi: “Nyaya iyi yakazotushuka apo vanababamudiki vakasungwa nenyaya yekuba mabhatiri emota apo vakazotaura zita rangu. Ini ndakabvuma mhosva ndikavaburitsa munyaya iyi ndikazotongwa nemusi wa13 Kukadzi gore rino uye ndiri kupika mwedzi 8 apo mwedzi 4 yakaiswa padivi.”

Anoti kuburikidza nemabasa ekuba aya, murume wake akazopfurwa nepfuti mugore ra2013 ndokunogara muchipatara kwegore rose umo akazobuda muna2014.

Mudzimai uyu anoti adzidza kuti kupara mhosva hakubhadhare uyewo ari kurwadziwa zvikuru nekuti hapana vanhu vari kunomuona kujeri kunze kwavamwene vake apowo murume wake akaenda kuDubai.

“Chinondirwadza ndechekuti mari yose iyi haina chayakaita, yaingopera nekutenga zvinodhaka, kusanganisira mbanje, bhurongo nezvimwe nekuti taitora madrugs haikona zvekutamba.”

Vimbiso anoti asuwa vana vake uyewo ari kuchema-chema kuti dhigirii rake haachakwanisa kurishandisa nekuda kwekuenda kwake kujeri.

Share This:

Sponsored Links