Uncategorized

Mibairo yeKwayedza hutu nevakatsvinda

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mibairo yeKwayedza  hutu nevakatsvinda

Kwayedza

Tandayi Motsi
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa paimwe hotera iri muHarare nemusi weChina svondo rapera apo vanhukadzi vakakwikwidza mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year 2018 vakadzokera kudzimba dzavo vagukuchira mibairo.

Kwayedza African Woman of the Year makwikwi akananga kususukidza kupfeka kwakadzikama uye kwakanaka kuchipa chiremera kumunhukadzi.

Makwikwi aya anopindwa nevanhukadzi vakawanda, apo panozosarudzwa gumi nevaviri vanozotatsurana kuti pawanikwe anonzi akapfeka kudarika vamwe vose.

Vaverengi veKwayedza ndivo vanovhotera vavanofunga kuti ndivo vakakodzera kutora mukombe uyu.

Mubairo wekutanga wakatorwa naMai Milliam Samanga wekwaChivi, kuMasvingo, kuchiti wechipiri wakaenda naFungai Loveness Bazira wekuMarondera uye wechitatu wakatorwa naMelody Shawarira wekuDamafalls, muHarare.

Vachitaura pakutambidza madzimai aya mibairo, Zimpapers General Manager Digital and Publishing Division, VaMarks Shayamano, vakatenda vaverengi veKwayedza nemamwe mapoka nekutsigira kwavari kuita bepanhau iri.

Vanoti makwikwi aya imwe nzira yekambani yavo yekudzosa nekutenda vanoitsigira.

“Tinokutendai mose nekuda kwekutsigira kwamunoita bepanhau redu reKwayedza nekuti pasina imi hakuna kwatingasvika,” vanodaro.

VaShayamano vakabvunzawo mibvunzo yakasiyana pamusoro peKwayedza nemamwe mapepanhau ari muZimpapers zvikaita kuti vamwe vaivepo vazviwanirewo mikana yekupihwa maKwayedza pachena kwemwedzi wose.

Mai Rebecca Chisamba – avo vanozivikanwa zvikuru nekuita chirongwa cheMai Chisamba Show – vakawanano mukana wekudzidzisa vanhu pamusoro pekukosha kwekuve munhu akatsvinda uye nemapfekero anoyemurika.

Mupepeti weKwayedza Patrick Shamba akatenda nekuvimbisa vaverengi nevashambadzi kuti bepanhau iri richaramba richivapakurira nhau dzinokurudzira tsika nehunhu hwakarurama, pakati pezvimwe.

Share This:

Sponsored Links