Mibvunzo yevana nemhinduro dzacho

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera zvikoro zvinosvika 28 zvekuMudzi District, kuMashonaland East Province, zvakaungana pachikoro cheKotwa High School apo vana, varairidzi nevakuru vezvedzidzo uku vaive negungano rakananga kubatsira vana pakudzidza nekusimudzira mutauro weShona. Apa pakabuda mibvunzo yakawanda, mimwe yacho seiri pazasi, iyo yakapindurwa nemumwe wevaibatsira pazuva iri, Ignatius T. Mabasa, munyori uye nyanzvi pamutauro weShona. Bira reShona iri rakarongwa neKwayedza.

Mimwe yemibvunzo nemhinduro dzacho:

Tingazive sei kuti uyu ndiye mutambi mukuru mubhuku?
1. Ndiye anonyanya kupihwa nguva, pamwe nekutaurwa nekudzokerwa kwaari zvakanyanya nemunyori

2. Ndiye anonyanya kupa maonero anosunda nyaya mberi

3. Maonero ake kazhinji anotengesa mafungiro emunyori

4. Anowanzotaurwa nevamwe vatambi kudarika vamwe

5. Zvaanotaura kazhinji zvakadzama kudarika vamwe vatambi

6. Kazhinji munyori anoumba mutambi mukuru nenzira inoita kuti muverengi amudisisise kana kuti amutyire paanenge ave kuda kusangana nematambudziko

7. Ndiye anowanzoshandiswa nemunyori kupa zvidzidzo zvikuru kana kuti change chakanangwa nemunyori

8. Haawanzokanganwiki nyore nekuda kwekuti zviitiko zvemubhuku zvinotenderera paari

9. Kazhinji ndiye anovhara kana kupeta nyaya iri mubhuku – kana bhuku racho risiri mamwe aye ekuti mutambi mukuru anopedzisira afa.

Vatambi vanobatsira sei kusundira nyaya mberi?
– Pasina vatambi, nyaya haina kwainoenda
– Vatambi vanobatsira kusundira nyaya mberi nenzira idzi:

1. zvavanotaura

2. zvavanofunga

3. zvavanoitirana

4. tsamba dzavanonyorerana

5. nziyo dzavanosarudza kuimba

6. mashoko avanosarudza kushandisa

7. tutsika nehunhu hwavo

8. kwavanosarudza kuenda

9. zvavanopfeka, kudya kana kunwa nezvavanozoita kana vachinge vaguta, kudhakwa nezvimwewo

10. zvavasingaite

Munhu kana adzidza chiShona ndeapi mabasa aanogona kuzoita?
– ChiShona chinoita kuti uve munhu – iroro ndiro basa guru

– Unogona kuita mari nekutaura semushamarari wenhepfenyuro saNdumiso “Skywalker” Dube wepaStar FM
– Mushamarari pamichato, pamitambo yakakosha kusanganisira yenyika

– Munyori wemabhuku kana wenziyo saJah Prayzah, Oliver “Tuku” Mtukudzi, Sulu Chimbetu

– Muturikiri – Bumbiro remitemo yenyika, Shona Bhaibheri

– Muturikiri wenhau, mabhuku nezvimwe zvinyorwa

– Muturikiri, mupepeti kana munyori wenhau

– Muturikiri kumatare edzimhosva – nyaya inotomira kutongwa kana asipo

– Mubiki wezvirongwa zveterevhizheni saMai Chisamba

– Mumiriri wenyika nemutauro kune dzimwe nyika

– Murairidzi weShona anodzidzisa vese vane mabasa andataura pamusoro kuti vave vanhu

Zvii zvinoita kuti muzonyora mabhuku kana nhetembo

– Kana nyaya dzikasanyorwa dzinofa dzobva dzarova

– Ndinonyora kuti mutauro upfuurire mberi

– Kuti ndidade nekupembedza mutauro wangu

– Kuti nditaure nyaya dzedu kwete kuti tizotaurirwa nevamwe

– Ndinonyora kuti ndibvise shungu pamwe chete nekubhururuka

– Kuti ndidzidzise vamwe, ndinongedze nzira

– Ndipe nyika nhaka. Nhasi tiri kuimba rwiyo rwenyika, asi vaSolomon Mutswairo vakanyora rwiyo urwu vakafa

Kana paine vamwe vana nevadzidzisi vane zvavangada kuziva, chero zvipi zvazvo zvine chekuita nechiShona, tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti pae-mail inoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey