Uncategorized

Midzimu yadambura mbereko . . . oda kutengesera mapurisa nyanga dzenzou

11 Sep, 2021 - 09:09 0 Views
Midzimu yadambura mbereko  . . . oda kutengesera mapurisa nyanga dzenzou

Kwayedza

Luthando Mapepa

MURUME wekuChipinge anoshanda semurindi kana kuti gadhi pakambani yeSouthern Company panzvimbo yemabhizimisi yeChecheche Growth Point akamiswa mudare achitarisana nemhosva yekutyora mutemo weParks and Wildlife Act mushure mekuwanikwa aine nyanga dzenzou.

Simon Tirivaviri (45) anoramba mhosva iyi paakamiswa pamberi pemutongi Mai Elizabeth Hanzi vedare reChipinge Magistrate Court.

Akanyimwa bhera uye nyaya yake ichaenderera mberi nekutongwa nguva pfupi inotevera.
Muchuchusi VaEdmore Mahlanganise vanoudza dare kuti nemusi wa30 Nyamavhuvhu gore rino, matikitivha akawana mashoko ekuti Tirivaviri aive nenyanga dzenzou.

“Matikitivha vakachaira Tirivaviri nhare vachiita sevaida kutenga nyanga dzenzou idzi ndokubva abvuma kuti vasangane panzvimbo yeMabhiza Business Centre.

“Tivaviri akaenda panzvimbo iyi ndokubva abudisa nyanga dzenzou idzo dzaive mubhegi hombe dema. Akati aidzitengesa US$1 100,” vanodaro VaMahlanganise.

Tirivaviri akabva asungwa mushure mekunge matikitivha aya azvizivisa kuti vaive mapurisa.

Share This:

Sponsored Links