Midziyo yekusevenzesa mumabasa

10 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIKAMU chadarika takatarisa midziyo iyo yatakati inorerutsa basa. Muchikamu chino tichatarisa midziyo kana kuti zvombo zvatingashandisa kuti mabasa aendeke.

Kana tichinoraura hove tinoshandisa zvirauro. Zvirauro zvinodaidzwa zvakare kuti zviredzo. Kunze kwekushandisa zviredzo tinogona kushandisa duwo kubata hove. Duwo rinodaidzwazve kuti chikandira. Duwo rinorara rakaiswa mudziva riine buri rekuti hove hombe dzikapinda hadzizokwanisi kubuda. Tinoshandisa mhayo kana kuti kandye kubaisa mhuka dzakaita senhindiri kana kuti sema. Panyaya yekuvhimwa nekubatwa kwemhuka kune zvombo zvakawanda zvaishandiswa nezvichiri kutoshandiswa. Mazuva ano zvava nyore kunovhima mhuka nekuti vanahombarume vava kushandisa pfuti zvekuti havachaswerera kumhanyidzana nenhoro mumasango nekuti vava kungoridza pfuti, gidi kana chibhamu mhuka yodonha ipapo. Kare vavhimi vaiteya misungo kana kuti madhibhura kuti vabate mhuka. Vaizonotarisa misungo yavo vakabatawo mapfumo kuitira mhuka dziya dzavaiwana dziri mhenyu pamusungo vokwehweredza. Vamwewo vaichera hunza pasi vovhara namashizha kuti mhuka dzigowira imomo apo dzinenge dzisina kuona kuti pane gomba.

Shiri dzinoteyewawo. Vamwe vanobata shiri neurimbo vamwe vachidziteya neugombe. Dzinogona zvakare kubatwa nemariva kunyanya padzinomhara pamakoto kunopurwa mbesa. Vamwewo vanoita shiri dzekupfura nendandi.

Mbeva kana makonzo zvinobatwa nezvikachikiro kana mariva. Kungoti hazvo mazuva ano vanhu vava kunyanya kushandisa mishonga pakuuraya makonzo.

Vanhu vanoshandisa tsono kusona mbatya. Tsono ingona kudaidzwa kuti nariti kana kuti tsingano. Kana tosona masaga mushure mekukohwa, tinoshandisa dumbo kana kuti dungo kuti tivharire goho redu musaga. Matehwe anosonwa nemutsunda kunyanya kana dziri shangu.

Pakutema zvinhu tinoshandisa demo kana dimuro. Vamwe vanodaidza demo kuti sanhu. Vanotevedzera tsika dzechivanhu vanoita zvekutemera nyora vachizora mishonga vanotema nyora nechisvo kana kuti nhavhaya. Nhavhaya ndiyo reza. Vanhu vanoshandisa tyava kana kuti chiwepu  pakutyaira mombe vachirima kana kufudza mombe. Pazvipani zvemombe zvinenge zvichirima zvinosungwa nezvitorobho pajoki. Panorwa vanhu netsvimbo, uta kana miseve vanhu vanozvidzivirira kuti vasakuvadzwa nenhoo. Kana tobva padzimba kana kuti torara tinovhara misiwo yedu toisa svumbunuro kana kuti kii kuti pasapindika.

Share This:

Sponsored Links