Mifananidzo ari musvo yamuparira

10 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Mifananidzo ari musvo yamuparira

Kwayedza

Hazel Marimbiza

MUSIKANA ane makore 14 okuberekwa wekuBulawayo akapinza mukomana wake panyatwa zvichitevera kusungiswa kwaakaitwa nevabereki vake mushure mekuona mifananidzo yavo vari musvo iri munharembozha yake.

Luckmore Gwetu (21) wekuEmganwini, kuBulawayo kwakare, akamiswa pamberi pemutongi Ulukile Ndlovu nemhosva yekuenda pabonde nemusikana asati abva zera.

Gwetu haana kupihwa mukana wekuramba kana kubvuma mhosva iyi uye kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi munguva inotevera apo anenge ari muchitokisi.

Zvakabuda mudare iri kuti musikana uyu akashanyira Gwetu musi wa9 Nyamavhuvhu nenguva dza1 masikati.
Paakasvika kumba kwemukomana wake, akaona Gwetu achiwacha nhumbi dzake ndokumumirira kuti apedze.

Vaviri ava vakazopinda mumba uye ndokupfurira kuenda muimba yekurara uko musikana uyu akapa chipo kumwana waGwetu ane makore mashanu okuberekwa.

Vaviri ava vakabva vagara pamubhedha, Gwetu ndokuzopinda naye pabonde.
Pavakapedza kusasana, vakabva vaenda kunogeza uye mushure mezvo musikana uyu akapfeka hembe yaGwetu pamwe nechipfeko chake chemukati ndokutanga kutorana mifananidzo.

Vapedza kutorana mifananidzo, vakapfeka hembe dzavo apo Gwetu akabva aperekedza musikana wake kumba kwavo.
Musi wa15 Nyamavhuvhu nguva dza5 zuva rodoka, vabereki vemusikana uyu vakaona mifananidzo yemwana wavo aina Gwetu vari musvo iri munharembozha yake ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakazoita kuti murume uyu asungwe ndokuzoendeswa kudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>