Mikana yaMr P yozaruka

13 Oct, 2022 - 09:10 0 Views
Mikana yaMr P yozaruka Precious ‘Mr P’ Hanya

Kwayedza

Abel Ndooka

NYENYEDZI chena iri kuvaima zvikuru muupenyu hwemuimbi weAfro-Jazz, Precious “Mr P” Hanya, uyo ave kuita zvemadhirama kunyika yeSouth Africa.

Kutanga masvondo adarika, Mr P akatanga kubuda padhirama reLegacy paMNet paDSTV. Achitaura neKwayedza ari kuSouth Africa uko anogara, Mr P anoti haasi kugona nemufaro zvichitevera kubuda kwaari kuita padhirama iri sezvo riri kumuvhurira mikana yakawanda muupenyu hwake.

“Handina neremuromo, magonhi ari kuzarurwa muupenyu hwangu zvikuru.

“Kunze kwekuita zvemimhanzi chete, iye zvino ndave mune zvemadhirama uye ndiri kubuda padhirama rine mukurumbira reLegacy. Pari zvino ndabuda pane zvirongwa zvishoma, asi ndinoziva kuti ndiko kutanga kwemikana yakawanda iri kuuya muupenyu hwangu.”

Mr P anoenderera mberi achiti: “Muindastiri yedu yemimhanzi iyi, zita rinofanirwa kushandirwa zvakasimba. Ndinopa kurudziro kune vamwe vaimbi kuti ngatishandei nesimba kuti mikana yakasiyana igouya kwatiri. Hakuna chinouya takagara, tinotofanirwa kutokakata zvakasimba.

“Muimbi gadzira zita rako zvekuti paunofamba vanhu vanenge vachikuyemurawo izvo zvinounza mikana yakawanda pamwe nekuzarura magonhi akasiyana.”

Mr P anozivikanwa nenziyo dzinosanganisira Purezha, Soft Life, Baba naAmai uye nguva pfupi yadarika akabura kambo kekurangarira chizvarwa chemuZimbabwe – Elvis Nyathi – uyo akapiswa kunyika yeSouth Africa akafirako.

Share This:

Sponsored Links