Mimba yemakore 4 . . . Murume akasvika pakutiza

26 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
Mimba yemakore 4 . . . Murume akasvika pakutiza

Kwayedza

PORTIA Tapfumanei. - Mifananidzo: Memory Mangombe

PORTIA Tapfumanei. – Mifananidzo: Memory Mangombe

MUKADZI wekuHighfield, muHarare, ane mimba yaanoti yasvitsa makore mana isati yasunungukwa apo iye ari kungoramba achikurirwa kusvika pakuti zidumbu raave naro rave kumushaisa rugare, nekumutyisa.
Mudzimai ava nemakore mana achipfeka mbatya dzemateneti uyu anofungidzirwa kuti akagadzirwa nemishonga, sezvo mukadzi achitarisirwa kusununguka mukati menguva iri pasi kana kungodarika zvishoma mwedzi mipfumbamwe kubva paanobata mimba.

Portia Tapfumanei (35), uyo anogara panhamba 6611 kuZororo, kuWestern Triangle, haana zororo sezvo kubva mugore ra2010 kusvika pari zvino ari kungosunda dumbu raasiri kuziva kuti mukati maro munei.

Tarisiro yake yaiva yekuzosununguka mwana, asi handizvo nekuti kwava nemakore mana dumbu richingokura.
Anoti dumbu iri haazive kuti rine mwana here kana kuti kwete sezvo riri kuramba richikura kusvika pakumutadzisa kufamba zvakanaka.

“Pakutanga ndakafunga kuti pamuviri sezvo ndainge ndamira kutevera. Ndakazoona nekufamba kwenguva kuti mimba yacho haisvike pakusunungukwa.

“Ndakamboenda kuchipatara kuti ndinonyoresa nhumbu yacho ndikanzi nditange ndaenda kunyanzvi dzemachiremba uko ndakatadza kuenda nekuda kwekushaya mari,” akadaro Tapfumanei.

Mudzimai uyu aiva akaroorwa naWellington Jambwa (36), uyo waanoti akazomusiya nekuda kwemimba isingazvarwe iyi.

“Pakutanga dumbu iri raitamba-tamba mukati semune mwana asi iye zvino rakarega, munongorira chete. Murume wangu akandidzinga achiti zvamunetsa uye tine vana vaviri tose, wemakore 12 newemakore 6 okuberekwa.”

Vamwe vanoti zvichida mukadzi uyu akagadzirwa nerunyoka nemurume wake.
Mudzimai uyu anoti mudumbu make hamurwadze asi kuremerwa chete semunhu ane nhumbu.

Tapfumanei anoti akaenda kuchipatara cheParirenyatwa akatorwa X-ray yedumbu iri kukashaikwa chakaonekwa, ndokuzoenda zvakare kukiriniki yeDX iri kwaMachipisa ukozve kusina chakaonekwa.

Izvi zvave kumuita kuti asare nefungidziro yekuti akagadzirwa nemishonga zvisinei kuti haana waanonongedza mudambudziko rake iri. Chimwe chinomurwadza ndechekuti anoti hama dzake hapana anoda kumubatsira kana kunzwa nezvedambudziko rake.

“Izvozvi ndinogara naamai vababa, Mbuya Cresencia Gambiza, avo vasingade kunzwa nezvenyaya iyi pamwe chete nevamwe,” akadaro.

Anoti baba vake, VaGeorge Lameck, vakaroora mumwe mukadzi wavanogara naye kwaMutare.
“Baba vangu vanogara kwaMutare, amai vangu vakafa uye ndakaberekwa ndiri ndoga mumba medu, handina kana anondicheuka.”

Mukadzi uyu anoti ari kuda mari inokwana US$2 000 yekuti anoongororwa nenyanzvi.
Tapfumanei ari kurarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana mumigwagwa kwakare kuHighfield.

Vatori venhau pavakaenda kumba kunogara Tapfumanei vakarambidzwa kupinda mumba kana kutaura naambuya vake.

“Onai Portia wenyu aunza vanhu pano, musataure navo,” akadaro mumwe musikana apo Kwayedza yakasvika.
Vamwe vanhu vemunharaunda vanoti vanofungira kuti mudzimai uyu akaiswa mushonga werukwa kana kuti runyoka nemurume wake uyo akamboenda kunoshandira kuSouth Africa kwemakore maviri.

Murume wacho Jambwa, uyo ave kugara panhamba 5175 New Canaan, kwekare kuHighfield, anoti ndiye akatotizwa nemukadzi asi achimuda.

Akati: “Mukadzi uyu akasara kumba kwavo apo takaenda kunhamo yatete vake ndokubva aramba kudzoka zvachose, asi ndinomuda. Zverunyoka handina zvandinoziva nezvazvo, hamheno vanozvitaura.”

VaCharles Chikosha (54), mumwe wevari kubatsira Tapfumanei, avo vanogara panhamba 5154 muNew Canaan, vanoti mashoko ekuti mukadzi uyu akapingwa nerunyoka nemurume wake vanoanzwa.

“Zvemashoko anotaurwa hatinei nazvo, zvekuti akaiswa runyoka nemurume wake apo akadzoka kuSA. Hamheno murume wacho ndiye anoziva kana iye mudzimai wacho nemafambiro ayo aiita apo murume ainge asipo. Nyaya hombe tinoda kuti abatsirwe – nemari namachiremba echirungu, maporofita kana nena’nga,” vakadaro.

Vakakurudzira Tapfumanei kuti abatane nemurume wake nedzimwe hama kuti akwanise kurapiswa, vosiyana nekufingirana zvisina maturo pamwe nekukandirana nyoka mhenyu.

Vanoti matambudziko akadai anogona kuwanikwa apo munhu anenge aiswa runyoka, kusungwa nemishonga kana kuroiwa.

Mai Constance Guyo (47) vekuNew Canaan kwakare, vanoti vakazvipira kubatsira mudzimai uyu.
“Ndakazvipira kufamba naamai ava kunyange kupi zvako vachinorapwa. Amai ava vakamboenda kuJohane Masowe weChishanu vakanonzi vareurure pasina chavaiziva uye kusvika nanhasi vanongoshungurudzwa nedambudziko,” vakadaro.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 991 083 votaura naVaChikosha, kana dzinoti 0772 450 814 votaura naConstance Guyo kana kutaura nemurume wacho, Jambwa panhamba dzinoti 0775 405 139.

Share This:

Sponsored Links