Mipatsa iri pamitupo

19 Dec, 2019 - 12:12 0 Views

Kwayedza

TichaDanga

MUSHURE mekunge ndatopedza kugadzira chirongwa chemunaZvita, ndakabva ndasangana nemibvunzo iri pamusoro pemitupo nemadzinza kutosvika pandakati zvakakosha kunoita tsvagurudzo pamusoro penyaya iyi.

Ndiko kusaka maona yadzoka zvakare mudariro gore risati rapera kudai.

Nyaya yakasumudza zvose izvi yanga iri pamipatsa iripo pamitupo kuti yakambomira sei. Zvakabva zvandipa simba rekuita tsvagurudzo (research) kuti tiwane kunama maburi aripo.

Ndisati ndapa zvandakawana mutsvagurudzo, ndinoda kugara ndazvichenura kana pakazoita kukahadzika pamusoro petsvagurudzo iyi nekuti vamwe vanenge vaine mamwe maziviro akasiyana neakabuda mutsvagurudzo zvekuti kana paita kukahadzika, zvakangonaka zvakare kudzoka nekupepa rino nekuti kudzidza hakuperi.

Kune vaya vasina ruzivo rwakakwana pamusoro pemipatsa yemitupo, onoi mukana wekudzidza kubva muchirongwa chino.

Hatisi kuzokwanisa kubata mitupo yese muchirongwa chino nekuti haikwani nekudaro tichangobatawo patagona.

Regai nditange nekurudunura tsvagurudzo yemutupo weShumba uyo une mipatsa yakati wandei. Kune shumba yemhazi vanonzi Jenamuromo dehwe reHosi.

Kunowanikwawo Shumba gurundoro vemhuri yekwaMtoko vari vaDupwa.

Mumwe mupatsa weShumba ndewe Nyamuzihwa vanonzi Shumba hara, vari zvakare Shumba nechinanga muzukuru waChakoreka vari mwana waMukombwe naNehoreka.

Kunowanikwa zvakare Shumba Murambwi, mutsikapanyoro vana vaChivi.

Shumba Murambwi ndivo vechidawo chemushereketi Munyaningwe.

Kunozouyawo Shumba Sipambi mwana wekwaChikara. Ava ndivo vanaMugonderwa.

Kune mumwe mupatsa usina kundijekera paShumba unozoisa mbizi mukati.

Tsvagurudzo zvakare haina kunyatsoburitsa pachena pamusoro pemupatsa uyu asi kuti vaitosanganisa nembizi saka handina kuzodzika nawo ndotya kuzopinda nepasipo.

Mukupatsanurana imomo vana Nzou vanowanikwawo varimo mudariro tichitanga naivo Samanyanga.

Ndivava vanaMarigazvuru, Matyoramiti, Mhukahuru.

Kunozoitawo Nzou Mbano Matemai. Ndivo veGoromonzi neChikwaka.

Havana kuita mipatsa inoenda kure kufanana nanaBeta.

Kune Beta ishwa variChimanimani vakabva Mbire.

Kunozouyawo Beta vari Wabata Dhliwayo. Ndivo mamberere Mauruka.

Ndinoda kuzobata zvakare mitupo ine mipatsa muchikamu chinotevera nekuti nekuda kweherefu hwetsvagurudzo dzacho, hazvizokwani muchikamu chino uye hazvizofamba zvakanaka kuti zvirongwa zvigopota zvichidamburirwa panzira.

Nekudaro ndaona zvakakosha kuti ndivhare chikamu chino ndichitarasawo mitupo iyo isina mipatsa yati yozivikanwa.

Tine Makombe Nguruve vanova vanaHumba Nyanguru.

Tembo yeMakombe ndivo vana Chirimanemuromo mapadza aripo.

Kune vamwewo vanonzi vaeraBhebhe vokwaTumbare. Bonga zvakare haina mupatsa.

Ndivo vanaChihwa, Sigauke kana Mutambara. VanaSvova ndivo vaera shato, vana Mheta, Saunyama, Svovanapasi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey