Uncategorized

Mirai kuenda kurufu: ZCC

22 Jul, 2021 - 16:07 0 Views
Mirai kuenda  kurufu: ZCC

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinokurudzira veruzhinji kuti vambomira kuenda kudzinhamo kunobata maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kunyanya kukonzera kupararira kwechirwere cheCovid-19.

General-secretary weZCC, Dr Kenneth Mtata, vanoti denda iri pari zvino rauya zvine simba nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose aripo ayo anoderedza kupararira kwaro.

“Takatambira mashoko anosuwisa kuti takarasikirwa nemafundisi 4 avo vaive neCovid-19. Iye zvino mashoko atakaziviswa ndeekuti kune vamwe vafundisi vari muchipatara kutaura kuno vanayo Covid-19.

“Saka isu seZCC tiri kukurudzira veruzhinji kuti ngatishandurei mararamiro edu panyaya dzendufu kuti timbomira kuenda kunobata maoko kana kurara pamariro nekuti ipapo ndipo vanhu vari kutapurirana Covid-19,” vanodaro.

Dr Mtata vanoti zvakakosha zvakare kuti vanhu vanenge vari parufu vosiyana netsika yekuonekedzana nemutumbi uye kubatana maoko sezvo izvi zviri zvimwe zviri kukonzera kutapurirana kwedenda iri.

“Tinoziva chaizvo kuti vanhu vanoda kuwonekana nehama yavo inenge yashaika, asi panguva ino yatiri ngatimbomirei kuita izvozvo nekuti zvinokanganisa zvakawanda, ngatimbomire tsika yekuona mitumbi yevafi panhamo nekuti tinokonzeresa dambudziko guru,” vanodaro Dr Mtata.

Vanoenderera mberi vachiti, “Iye zvino kana munhu ashaika, kunyanya ane Covid-19, mutemo unoti haatomboradzikwe mumba sezvo mutumbi wake unobva wangonanga kumakuva kana abva kumochari.”

Share This:

Sponsored Links