‘Mirai kuendesa vana kuzvikoro’

05 Jan, 2023 - 22:01 0 Views
‘Mirai kuendesa vana kuzvikoro’ Mai Tumisang Thabela

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VABEREKI vane vana vari kufanirwa kuenda kuzvikoro zvebhodhingi kutanga neChishanu chino vari kuziviswa kuti vambononoka kuita izvi kudzimara  mvura yakawanda ine dutu uye ichikonzera mafashamu yadarika.

Mumashoko avo, munyori mukuru webazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Mai Tumisang Tabela, vanoti vana vanodzidza kumabhidhingi vari kukurudzirwa kuti vatange kuenda kuzvikoro kana musi weSvondo, 8 Ndira wadarika.

Vanoona nezvemamiriro ekunze vari kutarisira kuti mvura iyi inenge yakasa panotanga svondo rinouya.

Mai Tabela vanoti: “Chikamu cheCivil Protection Unit chayambira nezvekunaya kwemvura yakawanda uye ichange iine dutu nekukonzera mafashamu kubva musi waNdira 6 kusvika 8, kunyanya kumatunhu anoti Manicaland Province: kumaruwa ekwaMutare, Chimanimani, Chipinge nekuBuhera uye Masvingo Province: Chiredzi, Mwenezi, Gutu, Bikita nekuZaka.

“Zvichitevera yambiro iyi, vana vekumabhodhingi vanokurudzirwa kuzotanga kufamba vachienda kuzvikoro kana mazuva aya adarika. Tevedzerai kurudziro iyi.”

Vabereki nevana vagara vari kuita gadziriro dzekuvhurwa kwezvikoro musi waNdira 9 apo panotarisirwa kutanga kwekotoro kana kuti temu yekutanga yegore ra2023.

 

Share This:

Sponsored Links