Misha yaparadzwa nemoto wesango

13 Sep, 2023 - 18:09 0 Views
Misha yaparadzwa nemoto wesango Moto wesango

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI nhatu dzekwaSabhuku Chigwande, kwaMambo Nyamaropa, kuMadziwa, kudunhu reMashonaland Central dzakasara dzisina pekugara zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba nemimwe midziyo inosanganisira motokari, zvose zvinokosha US$10 000 nemoto wesango.

Izvi zvakaitika nemusi wa27 Nyamavhuvhu pamisha inosanganisira waFungai Chitatura (31), waPauline Mandaza (35) newaTitus Chawira (35).

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti moto uyu waiva nesimba guru nekuda kwemhepo yaivako.

“Vanhu ava vakangoerekana vaona dzimba dzabatira moto dzemhuri nhatu idzi uyo waipeperetswa nemhepo huru yaivako musi uyu zvikaita kuti vatadze kuudzimura. Pamusha paFungai Chitatura, imba yaiva yakapfirirwa nehuswa yakatsva ikaparara zvose nembatya nemidziyo inosanganisira wadhiropu, mubhedha, terevhizheni, magumbeze gumi, marata makumi maviri, masaga matanhatu enzungu neUS$200,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

Vanoti motokari yerudzi rweElgrand ine nhamba dzinoti ACS7573 yaMandaza yakapiswa zvekuparara nemoto uyu uyo wakaparadzawo imba yekurara yehuswa yaChawira nemimwe midziyo.

“Tsaona iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMadziva ndokutanga kuferefeta pachitsvagwa vanhu vakakonzera moto uyu,” vanodaro Sgt Maj Chikasha.

“Zvinhu zvose zvakaparadzwa zvinokosha US$10 270. Tinokurudzira veruzhinji kuti vagare vakagadzira hwaro hwekudzivirira moto (fire guard) vakakomberedza misha yavo uyewo pove nemaFire Committee mumasabhuku ose kusvika kuwadhi sezvo izvi zvichibatsira mukudzivirirwa kwemoto wesangano,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links