Mishonga iri munzira

22 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Mishonga iri munzira Dr Mahomva

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike

CHIRONGWA chekubaya vanhu majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 chichasimudzirwa zvikuru svondo rino apo Zimbabwe iri kutarisira kuwana mamwe majekiseni 500 000 kubva kukambani huru yeSinopharm yekuChina.

Kuwanda kuri kuita vanhu vari kubaiwa majekiseni, kubvira pakatanga mwaka wechando, kuri kuona mushonga uyu uchiperevedza kune dzimwe nzvimbo izvo zvine njodzi yekukanganisa budiriro yechirongwa ichi.

Kuperevedza kwemajekiseni aya kuri kuitika panguva imwe chete apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika muno huri kukwira.

Izvi zviri kuona Hurumende ichitora matanho matsva ekudzivirira kupararira kwedenda iri munzvimbo dzakasiyana (localised lockdowns).

Zimbabwe svondo rapera yakaenda pachidanho cheLevel Four National Lockdown chekurwisa chirwere ichi, pakatorwa matanho anosanganisira kurambidzwa kwemagungano ose kusara kweparufu apo vanhu vanenge varipo vasingafanirwe kudarika 30.

Nzvimbo dzinoti Kariba, Karoi, Kwekwe neMakonde dzose dzakaiswa pachirongwa chelocalised lockdown zvichitevera kuwanda kwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi ikoko.

Mamwe emajekiseni ari kutarisirwa kusvika svondo rino achabva angoendeswa kunzvimbo dziri kunetsa denda iri.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti kugoverwa kwemajekiseni aya kuchaona nzvimbo dzine vanhu vakawanda vari kuda kubaiwa dzichitanga kuawaniswa.

“Svondo rinouya (svondo rino) tiri kugashira mamwe majekiseni. Handikwanise kutaura nezvehuwandu hwawo pari zvino, asi tichazivisa veruzhinji munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Dr Mangwiro.

“Tinogara tichishandisa huwandu kuti tizive kuti tomagovera sei. Tichange tichitarisa nzvimbo dziri kunetsa seKariba, Kwekwe neHurungwe idzo pari zvino dziri palockdown.

“Hurumende iri kuendesa zvakare majekiseni aya kune dzimwe nzvimbo dzange dzisati dzaawana. Tinonzwisisa kuti kune dzimwe nzvimbo dzakashandisa majekiseni ose adzainge dzapihwa saka tichaendesa zvakare kwaari kuperevedza,” vanodaro Dr Mangwiro.

Dr Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti: “Takatenga majekiseni aya saka tiri kuatarisira kusvika nguva ipi zvayo mwedzi uno.”

Ongororo yakaitwa neboka rinoremekedzwa reAfrobarometer, iyo yakaburitswa svondo rapera, inoti chikamu che80 percent chevanhu vari muZimbabwe chinogutsikana nebasa riri kuitwa neHurumende panyaya yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Pamusoro pezvo, chikamu chevanhu vanodarika 70 percent vemunyika muno vanonzi vanoti hapana chakaipa kuti vabati vezvemutemo vanosanganisira mapurisa nemauto vaone kuti veruzhinji vatevedzera matanho ekudzivirira denda iri.

“Vanhu vamwe chete (81 percent) vanowirirana nedanho rakatorwa neHurumende rekuvhara zvikoro kunyangwe zvazvo 85 percent vachiti zvinofanirwa kuvhurwa nekukasika,” inodaro Afrobarometer.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey