Kwayedza

Mishonga yekuromba: N’anga, muporofita

MADZIBABA ENOCK

GODOBORI vekuMt Darwin, VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (46), vanoti musikana ari kuti ari kumera zvinhu zvinotyisa kusikarudzi yake anogona kunge akashereketerwa nemishonga yechivanhu.

“Mwana uyu akaroyiwa. Murume wekunze waakashereketa naye anogona kunge akamushandisira mishonga yekutsvaga kupfuma. Mishonga yakadai iyi inowanikwa kunyika dzakaita seSouth Africa, DRC, Malawi, Mozambique neZambia,” vanodaro Sekuru Bhaureni.

Vanoti mvere kana kuti zvimwe zvinhu zvinotyisa zvakaonekwa nemusikana uyu pasikarudzi yemurume wekuSouth Africa zvinoratidza kuti akashandisirwa mishonga yezvikwambo kana zvidhoma.

Vanotizve zvichida musikana uyu akagadzirwa adanana nemurume wemuridzi. “Zvinogona kuti akadanana nemurume akagadzirwa nemudzimai wake. Munhukadzi kana munhurume akatorerwa chipfeko chake chemukati zviri nyore kuroyiwa,” vanodaro.

Mwedzi mishoma yakadarika bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemurume wekuMufakose, muHarare, uyo akamera ruware kusikarudzi yake kwesvondo rose mushure mekunge agadzirwa nepfambi apo akatadza kuibhadhara sezvavainge vawirirana.

Madzibaba Enock kana kuti Herbert Fenga (34), vechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe kuBudiriro 4, vanoti musikana uyu akashandisirwa mishonga yekuromba.

“Hakuna chimwe, musikana uyu akaroyiwa nekudaro anotoda kubatsirwa,” anodaro Madzibaba Enock.