Mishonga yekurwisa zvishambwe yavepo: VET

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mishonga yekurwisa zvishambwe yavepo: VET Chikamu cheVET chakatambira rutsigiro rwe$21 miriyoni kubva kubazi rezvemari uye US$2,3 miriyoni kubva kuvatsigiri munyaya dzebudiriro vanosanganisira United Nations Development Programme (UNDP), Food and Agriculture Organisation uye makambani anogadzira mishonga yekudhibhisa kuti vange vachitenga mishonga yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rinoona nezveminda, kurima, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa – kuburikidza nechikamu cheDepartment of Veterinary Services (VET) – rinoti rine mishonga yakakwana yekudhibhisa mombe kwemwedzi mitanhatu inotevera rinova danho richaona kuderera kwehuwandu hwemombe dzinofa nekuda kwezvirwere zvezvishambwe, zvikuru sei cheJanuary Disease.

Muna2019, mombe dzinosvika 50 000 dzinonzi dzakafa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe.

Chikamu cheVET chakatambira rutsigiro rwe$21 miriyoni kubva kubazi rezvemari uye US$2,3 miriyoni kubva kuvatsigiri munyaya dzebudiriro vanosanganisira United Nations Development Programme (UNDP), Food and Agriculture Organisation uye makambani anogadzira mishonga yekudhibhisa kuti vange vachitenga mishonga yekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe.

US$2,3 miriyoni yakapihwa nevatsigiri iyi yakashandiswa kutenga mishonga yemadhibhi 1 886 kubva pa4 000 madhibhi ari munyika.

Mishonga iyi yakatogoverwa kumadistricts makumi matatu kunova kuri kuitwa mabhindauko nevatsigiri ava.

Pamadistricts makumi matatu aya, varimi vari kudzidziswa kukosha kwekudhibhisa mombe dzavo.

Dr Josphat Nyika vanova chief director kuVET vanotsinhira nezveshanduko iyi vachiti vakagadzirira kurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe, zvikuru sei January Disease.

“Takawaniswa rutsigiro rukuru kubva kubazi rezvemari uye tiri mushishi kutenga mishonga inodiwa. Takawaniswa zvekare imwe mari yekufambisa zvirongwa zvemadhibhi kubva kuvatsigiri vakadai seUNDP, FAO nemakambani anogadzira mishonga yekudhibhisa mombe. Mishonga yatiri kutenga ichashanda kwemwedzi mitanhatu inotevera saka tinofara zvikuru. Gore rapera, takarasikirwa nemombe 50 000 nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe saka gore rino takagadzirira zvikuru kuti zvisadzokororwe zvichitevera kuwanda kwerutsigiro,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti vashandi vavo kumatunhu akasiyana vari mushishi kufundisa varimi nezvekukosha kwekudhibhisa mombe uye kuti dzinodhibhiswa sei.

Chirwere cheJanuary Disease, icho chinonyanya kuzivikanwa seTheileriosis, chinokonzerwa nezvishambwe zvinodaidzwa kunzi brown ear tick.

Chirwere ichi chinowanza kunyuka mumwedzi waZvita, Kurume chichinyanya kuwanda mumwedzi waNdira.

Zviratidzo zveJanuary Disease zvinosanganisira kupera simba kwemombe kunyangwe dzisina kurimiswa, kukundikana kufema zvakanaka, kuita mwambabvu pashaya uye kuita mabori mumaziso dzichitadza kuona zvakanaka.

Mombe dzinobuda dzihwa mumhuno nemumaziso dzichifa pekare-pekare.

“Nzira iri nyore uye yakareruka mukurwisa chirwere cheJanuary Disease kudhibhisa mombe kuti zvishambwe izvo zvinosveta ropa zvipere. Kubaiswa kwemombe hakunyanyi kupedza zvishambwe nekuti paongororo yatakaita takaona kuti mombe zhinji dzakadzivirirwa kuzvirwere kuburikidza nekubaiwa dzainge dziine zvishambwe,” vanodaro.

Chirwere cheJanuary Disease chakaipisisa muZimbabwe uye varimi vanokurudzirwa kuti vange vachimhan’ara kuVET kana pachinge paita fungidziro yacho.

 

Share This:

Sponsored Links